Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voti havasi Kuzoteerera Chikumbiro cheHurumende Chekuti Vasakanda Mapadza Pasi


Gurukota rezvemari, Muzvnafundo Mthuli Ncube, vakanga vakavimbisa mwedzi wapera kuti vaizowedzera vashandi vehurumende mihoro yavo mwedzi uno, asi izvi hazvina kuitika.
Gurukota rezvemari, Muzvnafundo Mthuli Ncube, vakanga vakavimbisa mwedzi wapera kuti vaizowedzera vashandi vehurumende mihoro yavo mwedzi uno, asi izvi hazvina kuitika.

Mubatanidzwa wemasangano anomirira varairidzi weFederation of Zimbabwe Educators Union, FOZEU, unoti varairidzi pamwe nevamwe vashandi vose vehurumende havasi kuzoteerera chikumbiro chehurumende chekuti vaipe nguva yekutsvaga nzira dzekugadzirisa mihoro yavo.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakapiwa nezuro negurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, avo vakazivisa kuti gurukota rezvemari Muzvnafundo Mthuli Ncube vachagara pasi nemutungamiri wenyika kuti vatsvage nzira dzekugadzirisa dambudziko remihoro yevashandi vehurumende, vachiti vashandi vehurumende ngavambomira kuramwa mabasa.

Gurukota rezvemari, Muzvnafundo Mthuli Ncube, vakanga vakavimbisa mwedzi wapera kuti vaizowedzera vashandi vehurumende mihoro yavo mwedzi uno, asi izvi hazvina kuitika.

Asi sachgaro veFOZEU vari zvakare mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti vanozviziva zvavo kuti hurumende iri kuswedera kure nechokwadi nekuti varairidzi nevamwe vashandi vehurumende vose vave nenguva vachichema kuti dai vawedzerwawo mihoro yavo asi pasina chinoitwa nehurumende.

VaMasaraure vanoti vashandi vari kungopa mazuva manomwe aya chete nekuti vaneta nezviito zvemushandirwi zvekuramba achitenga nguva asi pasina chinobuda.

Masangano ose anomirira vashandi vehurumende akasunga kuti kana hurumende yakakundikana kuwedzera vashandi mihoro yavo mukati mesvondo rino, vashandi vachakanda mapadza pasi kutanga musi wa 26 svondo rinouya.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG