Accessibility links

Breaking News

Ponakuriranwa Nyoka Mhenyu paHuori Hunonzi Hwaida Kuitwa Pakutengeswa kweMaComputer kuDare reParamende


VaJacob Mudenda

Pave kuita kunakurirana nyoka mhenyu panyaya yekuti ndiyani akapa nekumisa houri hunonzi hwaida kuitwa nekambani yeBlinart iyo yaida kutengesera dare reparamende macomputers nemaLaptops.

Bepanhau reHerald rinoti munyori mukuru mubazi rezvemari VaGeorge Guvamatanga ndivo vakanyora tsamba kuna mabharani mukuru wedare reparamende VaKennedy Chokuda richivaudza kuti vasabhadhare mari kukambani iyi.

Asi pavabvunzwa neStudio 7 kuti vachaongorora zvakaitika here kuti kambani iyi ipihwe basa iri, mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vati paramende ndiyo yakatomisa kambani iyi nekudaro hapana chekuongorora. Asi dzimwe nhengo dzedare reparamende dziri kuti panofanira kuitwa ongororo.

Kunyangwe malaptops emhando yepamusoro achitengeswa nemari inosvika zviuru zvitatu, parmende yange uichida kutengeserwa nezviuru zvipfumbamwe. Studio 7 yayedza kubata vakuru vekambani iyi asi nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Mutauriri webato rinopikisa reNCA VaMaddock Chivasa vaudza Studio 7 kuti vakuru vedare reparamende vanofanira kuferefetwa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG