Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemudzimai wavo Amai Jill Biden vari muLondon kurufu rwaMambokadzi Elizabeth vari kutarisirwa kuradzikwa mangwana.
VaBiden vakasvika nezuro uye nhasi vanyora mubhuku rekuchema Mambokadzi vakaendawo kuWestminister Hall kune bhokisi rine mutumbi wavo. vatungamiri venyika dzakawanda nevanhuwo zvavo vari kuonekana nemutimbi waMambokadzi Elizabeth.
Asi pane vamwe vasiri kufara nekukokwa kwaitwa Mambo wekuSaudi Arabia Mohammed Bin Salman uyo ari kupomera mhosva yekuva nechekuita kwemutori wenhau Jamal Khashoggi muna 2018.
Facebook Forum