Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weSouth Africa, VaRamaphosa, Vanoudza Mutungamiri weAmerica VaBiden Kuti Zvirango zveZimbabwe Zvave kuKanganisa Dunhu reSADC


Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa nezuro vakaudza mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, kuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muZimbabwe zviri kukanganisa dzimwe nyika mudunhu reSADC.

Vachitaura pamusangano wavakaita kumuzinda weWhite House uri muWashington D.C., VaRamaphosa vanonzi vakaudza VaBiden kuti nekuda kwezvirango izvi, zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutiza mamiriro ehupfumi hwenyika zvave kuzara munyika dzakakomberedza zvichitsvaga mafuro manyoro, izvo zvave kuremedzawo nyika idzi.

Zvichakadaro, bazi rinoona nezvehupfumi muAmerica reU.S. Department of the Treasury’s Office of Foreign Assets Control (OFAC), neChishanu rakazivisa nezvekutemerwa zvirango kwemutevedzeri wemukuru wemapurisa anoona nezvekufambiswa kwemabasa munyika, kana kuti Zimbabwe Republic Police’s Deputy Commissioner for Administration, VaStephen Mutamba.

Mugwaro rarakaburitswa neChishanu, bazi iri riri kupomera VaMutamba mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu uye kukanganisa hutongo hwejekerere vachitsigira kumbunyikidzwa kwevanorwira kodzero dzevanopikisa bato riri kutonga reZanu PF.

Vanonziwo muna 2020 vaishandisa chirwere cheCovid-19 semukana wekutyora kodzero dzevanopikisa.

Bazi reU.S. Department of the Treasury’s Office of Foreign Assets Control (OFAC) rakazivisawo nezuro wakare nezvekubviswa kwevamwe vanhu gumi nemumwechete pazvirango, richiti vanhu ava vanogona kunge vasisineyi nechekuita nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kana kuti vanogona kunge vakashaya.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rinoona nezvekudyidzana nedimwe nyika, VaFrederick Shava, kanawo gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG