Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vokurudzira Makanzura Kuti Apedze Huwori muMakanzuru


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vakurudzira makanzuru emunyika kuti apedze huwori vachitiwo bazi rezvekutongwa kwematunhu rinofanirwa kushanda zvakanaka nemakanzuru.

Vachitaura pamusangano wemakanzura ekumaruwa neemumadhorobha muHarare, mutungamiriri wenyika vati misangano yekuita hurukuro dzakaita saidzodzi nekupanana mazano mubudiriro yenyika yakakosha zvikuru.

Vati kusangana kwavo nemakanzura ese emunyika chiratidzo chekuti makanzura ese akakosha vachitiwo zvinosimudzira hutongi hwejekerere

VaMnangagwa vati kunyangwe hazvo mamwe makanzuru oedzesera kuita basa nemazvo, pachine dambudziko rehuwori rinofanirwa kurwiswa.

Vatiwo hurumende yavo inokoshesa zvakanyanya kupiwa masimba kwematunhu (devolution) vachitiwo mitemo inobata kushanda kwemakanzuru nehurumende inoda kuvandudzwa kuitira kusimudzira budiriro yenyika.

VaMnangagwa vatiwo makurukota emapazi ehurumende, kusanganisira bazi rezvekutongwa kwematunhu, anofanirwa kushandidzana zvakanaka nemakanzuru.

Kurudziro iyi inouya panguva iyo makanzura, kunyanya emumadhorobha, mazhinji acho achibva kumapato anopikisa, achinyunyuta kuti bazi rinoona nezvekutongwa kwematunhu riri kunyanyopindira munyaya dzemakanzuru izvo zviri kuvakanganisa basa.

Mutungamiri wenyika vatiwo makanzuru anofanirwa kurwisa kuona kuti hakuna zvivakwa zvinoiswa zvisingatenderwi (illegal settlements) pamwe nekuvandudza mashandiro emakanzuru kuti akwezve vemabhizimusi.

Vatiwo makanzuru anofanirwa kutsvakawo nzira dzekuwana nadzo mari pachinzvimbo chekungomirira rubatsiro rwehurumende.

Vataura pamusangano uyu vanga vachimiririra makanzuru vaturawo nhunha dzavo.

VaAbel Matsika, mumwe wevarongi vemusangano uyu vari mutungamiriri weUrban Councils Association of Zimbabwe (UCAZ), vaudzawo mutungamiriri wenyika kuti semakanzuru vanoshushikana nekumbovharwa kwemabhuku avo ekumabhanga kana kuti ma account emari dzavo nemamwe mapazi ehurumende.

VaMatsika vaudza Studio 7 kuti musangano uyu wanga wakakosha sezvo vawana mukana wehurukuro nemutungamiriri wenyika pamwe nemakurukota ehurumende kugadzirisa matambudziko ari kusanganikwa nawo nemakanzura pamwe nemakanzuru akasiyana siyana.

Tabvunzawo VaMatsika nezvemari yakawanda yakanzi makanzura abvise kuti vakwanise kuva pamusangano apa, vakati izvi zvaifanirwa kuitika sezvo musangano wanga uri wavo huye pane zvakawanda zvaida kubhadharwa zvakadai sepekuitira musangano pamwe nezvekudya.

Asi mutungamiri werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vaudza Studio 7 kuti gungano iri kwanga kuri kungopedza nguva uye kutambisa mari dzemakanzuru.

Vachitaurawo pamusangano uyu mutungamiriri wemakanzuru ekumaruwa VaGuy Mutasa vateterera kumutungamiriri wenyika kuti makanzura abvumidzwe kutenga mota kunze kwenyika pasina kubhadhara mutero (duty free), izvo VaMnangagwa vati zvichaitwa.

VaMutasa vatiwo makanzura anodawo kuti vapiwe mukana wekutenga pekuvaka (stands) nemari shoma vachiti zvikamu makumi mana kubva muzana zvavari kubhadhara imari yakawandisa.

Aka ndekepiri makanzura achisangana ose nemutungamiriri wenyika kekutanga kaive muna2019. Makanzuru ese makumi mapfumbamwe nemaviri (92) ari munyika anonzi auya pamusangano uyu .

Musangano uyu wapindawo nemakurukota ehurumende yeMozambique.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG