Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Chishanu 16 Gunyana, 2022


Misoro yenhau dzeShona
Misoro yenhau dzeShona

Musangano wevashandi vehurumende waitwa nhasi muHarare unobuda nechisungo chekuti hurumende inge yagadzirisa nyaya dzemihoro yavo panosvika musi wa 25 Gunyana unove mwedzi uno, kukundikana kwayo vashandi vose vehurumende vopinda mukuramwa mabasa kutanga musi wa 26 Gunyana.

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vokurudzira makanzuru munyika kuti apedze huwori vachitiwo bazi rezvekutongwa kwematunhu rinofanirwa kushanda zvakanaka nemakanzuru.

Poita gakava rakasimba pakati pevagari nemakanzura edhorobha reMasvingo pamusoro pekuti mari dzemihoro dzakawedzerwa makanzura ishoma here kana kuti dzakawandisa.

Kudzingwa mukanzuru kechipikiri kwakanzura weguta reBulawayo vari mutevedzeri wameya, VaTinashe Kambarami nebato reMDC inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora kwosimudza mutauro vamwe vachiti mutemo wekuti mapato anokwanisa kudzinga makanzura kana vamiriri veparamende vakasarudzwa pasi pemapato aya kunovhiringidza mashandiro nemafambisirwo emabasa.

Vamwe vana vechikoro kuGuruve mudunhu reMashonaland Central vari kufambà mitunhu inoda kusvika kumakiromita gumi nemasere kuenda pachikoro chiri pedyo zvinonzi zviri kudzikisa huwandu hwevana vari kubuda zvakanaka pabvunzo.

Muchirongwa chedu cheLive Talk, nhasi tiri kutarisa nezvemabasa ari kuitwa nemakambani ekuChina munyika uye matambudziko anonzi ari kukonzerwawo nemabasa aya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG