Accessibility links

Breaking News

Mhuri yekwaKanyongo Yosimudzira Nharaunda yeMutoko Kuburikidza neNhabvu Uye Kubatsira Vanoshaya


VaGideon Kanyongo, mumwe wevana vari kutungamira makwikwi enhabvu e KB Kanyongo Soccer Tournament
VaGideon Kanyongo, mumwe wevana vari kutungamira makwikwi enhabvu e KB Kanyongo Soccer Tournament

Vakuru vakati “patsika remberi ndipo panotsika reshure.” Vamwe vakati “mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu.”

Zvirevo zviviri izvi zvave kuzadziswa nemhuri yaVaKennedy Blessing Kanyongo vekwaMutoko, avo vaive mudzidzisi mukuru, mutungamiri wenharaunda uye munhu aida nyaya dzebudiriro nekubatsira vanoshaya munharaunda mavo.

Kunyange hazvo VaKanyongo vakashaya kare, vana vavo vasere vakasunga kuendesa mberi mabasa akanaka avaiita ose aya kuburikidza nekuparura chirongwa chenhabvu yezvikwata zvemunharaunda yeMutoko, cheKB Kanyongo Annual Soccer Tournament, icho chapinda mugore retatu gore rino.

Makwikwi egore rino emukombe uyu akatotanga svondo rapera uye mune zvikwata zvisere zviri kurwira mukombe uyu zvinoti Kanyongo FC, Goronga FC, Zisengwe FC, Dip FC, Chingondo FC, Gumbure FC, Star City FC neManhemba FC.

Fainari yemukombe uyu inotarisirwa kutambwa musi wa22 mwedzi unouya waGumiguru uye chikwata chichakunda ndicho chichasimudza mukombe pamwe nemubairo wemari, kuchitiwo zvimwe zvikwata zviri mumakwikwi aya zvichiwanawo mibairo yakasiyanasiyana.

Mumwe wevana vaVaKanyongo, VaGideon Kanyongo, avo vari kuColumbus mudunhu reOhio muAmerica uye vakakura vachitambawo nhabvu, vanoti chinangwa chikuru chavakatangira makwikwi aya chaive chekuendesa mberi nhaka yababa vavo pamwe nekubvisa vechidiki mune zvinodhaka nemisikanzwa uye kubatanidza vagari vemunharaunda yavo.

Asi sezvo vakuru vachiti "mukudzinga makudo ndimo mukumema munda," VaKanyongo vanoti vakatozoona kuti uyu mukana mukuru kwazvo wekuti vechidiki varatidze hunyanzvi hwavo munhabvu vachizviwanira mikana yekutambira zvikwata zvepamusoro zvemunyika zvakaita seDynamos FC, Caps United FC neHighlanders FC.

Vanoti gore rapera vatambi vatatu vakabuda mumakwikwi avo vakawana mukana wekunodzidziswa nhabvu yepamusoro vari kuchikwata chine mukurumbira munyika cheDynamos FC muHarare, vachiti zvinopawo mukana wekuti varairidzi vezvikwata zvepamusoro izvi vasangane nevatambi vepasi ava pamwe nevatsigiri vavo vari kumaruwa.

VaKanyongo vanoti gore rapera murairidzi weDynamos FC, Tonderayi Ndiraya nechikwata chake chevarairidzi vakakwanisa kuenda kwaMutoko kunoona fainari yemakwikwi aya, apo Ndiraya akave munyarika mukuru.

Vanoti gore rino Ndiraya ari kutarisirwa zvakare kunge ari pamutambo wavo wekupedzisira pamwechete nevamwe varairidzi vanobva kune zvimwe zvikwata zvepamusoro zvemunyika, vachiti shuviro yavo ndeyekuona makwikwi avo achikura zvekusanganisira zvimwe zvikwata zvinobva kune mamwe matunhu emunyika.

Kunze kwekusimudzira nharaunda yavo kuburikidza nenhabvu, VaKanyongo vanoti semhuri vari kubatsirawo nechikafu mwedzi wega wega vachipa nherera nemhuri dzinoshaya dzinoda kusvika kuzana munharaunda mavo pamwe nekubhadharira vana vanoshaya mari dzechikoro.

Hurukuro naVaGideon Kanyongo
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG