Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvovhimwa seMhuka kuSouth Africa


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinoti zvave kuvhimwa semhuka nezvimwe zvizvarwa zvenyika iyi zvichinzi zvidzokere kumusha.

Vari kunyaya kushungrudza zvizvarwa zveZimbabwe ndeveOperation Dudula.

Izvi zviri kuuya panguva iyo gurukota rezvemukati menyika muSouth Africa VaAaron Motsoaledi vakayambira nezuro kuti hurumende yavo icharanga vose vachatadza kuvandudza magwaro avo ekugara munyika iyi zviri pamutemo eZimbabwe Exemption Permit kana kuti ZEP. Magwaro eZEP aya anonzi anenge asisashande pakati pegore rinouya.

Asi zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti kushungurdzwa kwatotanga. Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vaVelempini Thuthani Ndlovu vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kushungurudzwa zvakanyanya.

Vatiwo vari kubatsira vamwe vanoda kupihwa magwaro matsva nekuvabatsira kunyora mapepa anodiwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG