Accessibility links

Breaking News

CCC Yopemera Hurumende Mhosva Yekumbunyikidza Vanhu Pamberi peSarudzo dza2023


Mnangagwa & Chamisa
Mnangagwa & Chamisa

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change. mutevedzeri wemutauriri webato iri VaGift Ostallos Siziba vashora zvikuru hurumende yeZanu-PF vachiti yave kushandisa mhirizhonga pamberi pesarudzo dzegore rinouya kutyisidzira vanhu.

Vatiwo zviri pachena kuti Zanu-PF iri kuda kuita mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa nekuvakandira mabhambo uye kuita mhirizhonga kwese kwavanoenda kunoita misangano nevatsigiri vavo.

Vati mukumisa mhirizhonga iyi vachange vave kushandisa vechidiki nemapurisa munharaunda dzakasiyana siyana kuchengetedza mhirizhonga.

VaSiziba vaudzawo vatori venhau kuti kana vapinda muhurumende havazotenderi kuti vanhu vapondwe nenyaya dzezvematongerwo enyika.

VaSiziba vati vari kutarisira kukunda zvine mutsindo musarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya vachiti vanoda kuti bumbiro remitemo yenyika nemitemo yesarudzo ivandudzwe kuti paitwe sarudzo dzakachena.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekubuditswa kwemashoko muZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vati sebato havakurudziri mhirizhonga huyewo vati bato reCCC ndiro rinoda zvemhirizhonga.

VaMugwadi vatiwo zvekuti bato reCCC rinokunda muna2023 zviroto.

VaSiziba vashorawo nyaya yekunyimwa kuri kuitwa nhengo dzebato ravo dzinosanganisira nhengo dzedare reparamende VaJob Sikhala naVaGodfrey Sithole.

VaSikhala vange vari mudare nhasi uye varatidza kusushikana nemutogo wapihwa nedare ramejastiriti rekuramba kutambira chikumbiro chavo chekuti magweta avo apihwe humbowo huri kunzi hune dare hwekuvaroverera kuti vaone kuzvidzivirira sezvinokurudzirwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG