Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Gumi neVana Vosungwa Vachiratidzira paUniversity of Zimbabwe


Vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vanoti vacharamba vachienderera mberi nekuratidzira kunyangwe vamwe vavo gumi nevana vakasungwa nezuro vachinyunyuta nekuwedzerwa kwemari dzedzidzo.

Vachitaura neStudio 7, rimwe remagweta arikumiririra vadzidzi ava vaPaidamoyo Saurombe vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero reZimbabwe Lawyers for Human Rights vati vadzidzi gumi nevana vakasungwa nezuro havasati vaudzwa mhosva yavari kupomerwa

VaSaurombe vanoti pavadzidzi vakasungwa apa pane vamwe vakakuvara. Studio 7 hainawo kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi ravo.

Vachitaura nevatori venhau nhasi muHarare vanomiririra vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vati mari dzechikoro dzirikudiwa dzinokatyamadza sezvo vazhinji vavo vasiri kukwanisa kuzounganidza mari dzirikudiwa idzi.

Mutungamiriri we Student Representative Council yepaUZ vaAllan Chipoyi vanoti mari irikudiwa iyi ichasiya vana vevarombo vasingawani dzidzo

University of Zimbabwe yakakwidza mari dzechikoro izvo zvichasiya vaibhadhara mari shoma pachikoro ichi vobhadhara mari inosvika zviuru mazana matatu nemakumi mana nezvishanu kana kuti 340 000 kubva pazviuru makumi mashanu nezvinomwe 55 000. Avo vanoda kuita zvidzidzo zveMasters varikutarisirwa kubhadhara mari inodarika miriyoni yemadhora emuno.

Munyori mukuru muSRC , VaMunashe Cuthbert Masiyiwa vatsigirawo vachiti ongororo yavakaita inoratidza kuti vadzidzi vazhinji vari pachikoro ichi vanobva kumhuri dzisingawani mari yakawanda.

VaMasiyiwa vatiwo vanoda kuti mapurisa asungunure vadzidzi vakasungwa. Vadzidzi ava vanyorawo tsamba yenyunyuto iyo vanoti yasainwa nevadzidzi vanodarika zviuru zvishanu. Vati vachanosiya tsamba yenyunyuto iyi kudare reparamende, kubazi rezvedzidzo yepamusoro pamwe nekuZimbabwe Human Rights Commission. Vadzidzi ava vanotiwo kana mari ikasadzikiswa vachange vachizoendawo kumatare.

Muzvare Everjoy Chidindi vebato rinopikisa reLabour Economists and Afrikan Democrats vaudzawo Studio 7 kuti zvinokatyamadza kuti mari dzinodiwa nehurumende hadzienderani nemari irikutambiriswa veruzhinji.

Hatinawo kukwanisa kubata gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Amon Murwira kana vakuru vepaUniversity of Zimbabwe.

Asi vachinyora padandemutande reTwitter , munyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko vaNick Mangwana vanoti vasingakwanisi kubhadhara mari dzechikoro kumauniversity kune zvirongwa zvakadai sekubhadhara mari padiki padiki pamwe nekupiwa zvikwereti. Vatiwo pane varikuda kupinza zvematongerwo enyika munyaya dzekukwidza kwemari dzechikoro asi izvi zvarambwa nevamiririri vevadzidzi avo vatiwo hazviiti kuti vanzi vabhadhare mari iyi zvishoma zvishoma nekuti yakawandisa.

Zvimwe zvikoro zvedzidzo yepamusoro zvakwidzawo mari zvakanyanya zvinosanganisira Masvingo Polytechnic iyo yakakwidza mari dzeNational Certificate kubva pazviuru makumi maviri nezvina zvemadhora emuno 24 000 kuenda pazviuru zana nezvishanu (105 000). Gweru Polytechnic neLupane State University ndovamwewo zvakare vakakwidza mari dzechikoro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG