Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 13, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Hurumende inoti vamwe vashandi vayo vave kusvibisa zita renyika nekupota vachinetsa mapazi eUnited Nations kuti vapihwe mukana wekuenda kuNew York kumisangano yakasiyana siyana.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vabatana nevatungamiri vedzimwe nyika mukutoreswa mhiko kwemutungamiri wenyika yeKenya mutsva VaWilliam Ruto.

Vadzidzi gumi nevana vekuUniversity of Zimbabwe vasungwa nhasi nemapurisa vachiratidzira kukwidzwa kwemari yedzidzo zvakapetwa kamazana matanhatu kubva muzana kana kuti 600%.

Vashandi vehurumende vanoti vari kunetseka nekwavanoti kusazvipira kwehurumende mukuzadzikisa chibvumirano chekuvawedzera mari dzemihoro mwedzi uno.

Vanhu vakawanda muBritain voenderera mberi nekuchema Mambokadzi Elizabeth vakashaya nemusi wechina svondo rapera kuScotland.

Tine hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi nezvedhora remunyika sezvo hurumende iri kuti riri kudzikama pamusika wemukoto kunyangwe pamusika wemari kuRBZ riri kuramba richiwedzera mutengo.

Muchirongwa chedu chevechidiki cheLiveTalk- The Connection, tiri kutarisa kusungwa kwevadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe uye kuwedzerwa zvakanyanya kwemari yedzidzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG