Accessibility links

Breaking News

VaEgypt Dzinemunenzva neVamwe Voendesa ZEC naVaZiyambi kuMatare


VaZiyambi Ziyambi

Mutungamiri webato rinopikisa reForces for the Liberation Organization of Africa National Party (FLOANP) VaEgpyt Dzinemunhenzva vakabatana nemumiriri weHarare North VaAllan Markam veCitizens Coalition for Change, vanorwira kodzero dzevanhu VaTapiwanashe Chiriga naMuzvare Vongai Zimudzi vaendesa kumatare Zimbabwe Electoral Commision negurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi nekuwedzerwa kwavakaita mari yekuti vanoda kukwikwidza musarudzo vabhadhare.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba kana VaZiyambi sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Vana ava vari kuda kuti dare repamusoro riti ari dzakawedzerwa idzi dzinokanganisa hutengo hwejekere. Vari kudawo kuti dare riti mutemo wechimbi chimbi wakashandiswa kudzika mari idzi weStautory Instrument 144 0f 2022 (Electoral Nomination of Candidates) (Ammendement) Regulations unzi unotyora bumbiro remitemo.

Vana ava vari kumiririrwa negweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti zvakaitwa neZEC zvakangoitwa pasina kutaurirana zvichityora bumbiro remitemo.

VaDzinemunhenzva vanoti bato ravo rakaumbwa munguva yeRhodesia uye munguva iyi hamuna kumbobvira madzikwa mitemo yakadai kuyedza kumisa vatema kuti vakwikwidze musarudzo nekuti vaive varombo.

Musi wa 23 Nyamavhuvhu VaDzinemunhenzva nevamwe vavo vakapa ZEC mazuva matatu ekuti ibvise maro yainge yawedzerwa iyi asi komisheni iyi yakaramba yakatsika madziro. Vanenge vachida kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vari kunzi vabhadhare mari inosvika zviuru makumi maviri kana kuti US$20, 000 kubva pachuru chimwe chete chemadhora kana kuti US$1000.

Vanoda kuita nhengo dzeparamende vanonzi vabhadhare mari inosvika chiuru chimwe chete chemadhora uye vanoda kuita makanzura vobhadhara zana remadhora.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG