Accessibility links

Breaking News

America Inoti Zimbabwe Haisi Kujekesa Mashandisirwo eMari dzeHurumende neKupihwa kweMarezinesi eZvicherwa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Gwaro raburitswa nebazi rehurumende yeAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika kana kuti State Department rinoratidza kuti hurumende dzinoshandisa mari yeruzhinji zviri pachena here pamwe nekuti dzinopa sei marezinesi ezvicherwa rinoratidza kuti kunyangwe zvazvo Zimbabwe ichinzi yakaedza zvichienzaniswa negore rapera, haisati yasvika panotarisirwa.

Gwaro raburitswa nebazi rehurumende yeAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, kana kuti State Department iri rinoratidza kuti Zimbabwe iri panyika makumi matanhatu nepfumbamwe dzinonzi hadzisati dzoratidza pachena mashandisirwo emari yehurumende .

Asi panyika idziwo Zimbabwe iripanyika makumi maviri nenomwe dzinonzi zvichienzaniswa negore rapera dzirikuvavarira kuita zvinhu zvavo pachena.

Kuti nyika inzi inoshandisa mari pachena inenge ichizivisa veruzhinji hurongwa hwemari kusanganisira mashandisirwo nekuwana mari kunoita mapazi nemakambani ehurumende.

Nyika inonziwo yakachena kana hurumende ichibudisa pachena magwaro anechekuita nekupiwa kwemarezinesi ezvicherwa pamwe nekuti vanenge vawana marezinesi awa vaawana sei.

Vachitaura nezvegwaro iri, Amai Megg Riggs vanoshanda kumuzinda weAmerica muZimbabwe vati gwaro ravo regore rino rinoratidza kuti Zimbabwe yakaedzesera zvichienzaniswa negore rapera kuratidza mashandisirwo emari munyika asi vachiti izvi hazvina kukwana.

Amai Riggs vati Zimbabwe yakabudisa pachena hurongwa hwebhajeti pamwe nekushandiswa kwemari. Vatiwo hurumende yeZimbabwe yakakwanisawo kuwanisa ruzivo rwezvekushandiswa kwemari kuneveruzhinji pamwe nekuzivisawo zvimwe zvezvikwereti zvinenyika. Asi Amai Riggs vati Zimbabwe yakakundikanawo kuzivisa zvikwereti zvine makambani ehurumende pamwe nemari inowanikwa nemakambani awa.

Amai Riggs vatiwo Zimbabwe haisiwo kuzivisa pachena veruzhinji kuwaniswa kwemarezinesi ezvezvicherwa.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvezvicherwa kuti tinzwe maonero avo nezvekupiwa kwemarezinesi ezvezvicherwa sezvo tatadza kubata gurukota rebazi iri VaWinston Chitando. Patafonera mutevedzeri waVaChitando Va Polite Kambamura vaudza Studio 7 kuti vanga vachazotaura nesu kana vasununguka asi vanga vasati vatibata pataenda pamhepo.

Tatadzawo kubata gurukota rinoona nezvemari VaMthuli Ncube. Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko kubato reZANU PF vanga vasatiwo vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Asi mukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezvivanikwa munyika, reCentre for Natural Resource Governance, VaFari Maguwu vati nyaya yezvezvicherwa muZimbabwe haibudiswi pachena vachiti kurudziro yavo kuhurumende kuti ibudise ruzivo urwu pachena.

Gwaro iri rakaongorora nyika dzinosvika zana nemakumi mana neimwe idzo dzinowana mari yerubatsiro kubva kuhurumende yeAmerica. Zimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica dzakadai se Algeria , Angola, Lesotho, Liberia ,Malawi Mozambique nedzimwewo hadzisati dzasadzikisa zvinotarisirwa.

Gwaro iri rinotiwo dzimwe nyika dzemuAfrica dzakadai se Botswana, The Gambia, Ghana, Nigeria, South Africa, Kenya nedzimwewo dzakachena panyaya dzekufambiswa kwemari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG