Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri Vopinda Mumudungwe weNhengo dzeCCC Dziri Kuramba Dzichitenderedzwa Mumatare


Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Joana Mamombe
Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Joana Mamombe

Dare ramajisitireti nezuro rakarasa chikumbiro chenhengo dzeCitizens Coalition for Change, dzinoti mumiriri weHarare West Joana Mamombe nenhengo yevechidiki Muzvare Cecilia Chimbiriri chekuti rirase nyaya yavari kupomerwa yekuti vakataura manyepo apo vakati vakapambwa vakatochwa muna Chivabvu 2020 richiti vaviri ava vane nyaya uye vanofanira kupa huchapupu kutanga nemusi China svondo rino.

Vaviri ava vakanga vaisa chikumbiro chekuti nyaya yavo iraswe vachiti humbowo hwakapihwa nevafakazi gumi panyaya hwainge husina kusimba zvekukuti vangabatwe nemhosva.

Asi mutongi wedare, Amai Faith Mushure, vakati vaviri ava vanogona kunge vaine mhosva yavakapara nekudaro nyaya yavo inofanira kutongwa.

Gweta revaviri ava, VaAlec Muchadehama, vakati havana kufara nemutongo uyu vakati vachaongorora mutongo uyu uye vachautaura naMuzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri kuti vaone kuti voupikisa here kana kuti kwete.

Vanhu vakawanda kubva kumasangano anorwirwa kodzero dzevanhu nenhengo dzeCCC vakange vari mudare pakaturwa mutongo uyu uye vakawanda vavo vakati havana kufara nemutonga uyu.

Vamwe vasina kufara igweta zvakare vari mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum Dr Musa Kika. VaKika vakati havo vaviri ava vachawana mukana wekupawo divi ravo.

Mumwe akafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiriri webato reCCC, Amai Lynette Karenyi Kore, vakati vanotarisira kuti nyaya ichatongwa zvakajeka uye vanotarisira kuti Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri vachabudirira.

Baba vaMuzvare Chimbiri, VaHenry Chimbiri, vakati vanofara kuti vaviri ava vave kuzopihwa mukana wekutaura chokwadi chaicho chakaitika pamberi pedare.

Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri vanonzi vakataura manyepo apo vakati vainge vapambwa vakatochwa muna Chivabvu 2020 . Vanoti havo vakapambwa kubva kuHarare ndokunosiya vakandwa kuBundura.

Vanonzi vakaita izvi vachida kusvibisa hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa. Hatina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kanawo kunzwa kumushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, sezvo vanga vasingabatiki panharembozha yavo.

Vaviri ava vakasungwa muna 2020 pamwe nemumwe wavo Muzvare Netsai Marova avo vanonzi vakabuda munyika gore rapera vachienda kunoita zvidzidzo zvepamusoro mhiri kwemakungwa.

Mapurisa anoti ane magwaro ekusunga Muzvare Marova sezvo vakabuda munyika pasina mvumo yavakapihwa nematare edzimhosva.

Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri ndedzimwe nhengo dzeCCC dziri kumatare uye dzimwe dzacho dzinosanganisirawo nhengo dzeparamende, VaJob Sikhala vanomirira Zengeza West muparamende naVaGodfrey Sithole vanomirira Chitungwiza North avo vakasungwa mwedzi mitatu yadarika vachipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga.

VaSikhala naVaSithole vanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kanaodarika kana vachinzi havakodzere kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG