Accessibility links

Breaking News

CCC Yokandirwa Bhambo neVanofungidzirwa Kuti Vatsigiri veZanu-PF Asi Ichiti Hayo "Zizi Harina Nyanga"


Nelson Chamisa President CCC
Nelson Chamisa President CCC

Vakuru vebato rinopikisa reCitizens Coalition fpr Change avo vanoti vakakandirwa bhambo rinofungidzrwa kuti ndere peturu nevanofungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZanu-PF vanoti havasi kuzobvuma kutyisidzirwa rwendo rwuno.

Bhambo iri rinonzi rakakandwa maminetsi mashoma mutungamiri webato reCCC VaNelson Chamisa vasati vasvika. Vanhu vainge vari mumutokari yeHonda Fit yesilver,

Kunyangwe vatsigiri vebato iri vainge vaungana panhandare yeGadzema vakamboda kutiza, vakafaniobata chigaro chemurongi wemabasa muCCC VaAmos Chibaya vakavakurudzira kuti vasatize vachidi uku kwainge kuri kuda kungovatyisidzira.

Mumwe akafanobata chigaro chemutevedzeri webato iri Amai Lynette Karenyi Kore vakatiwo chasara kuZanu-PF kuda kutyisidzira vanopikisa nemhirizhonga akati hana zvitsva. VaChamisa vakakurudzira vatsigiri vavo kuti vatsvage rutsigiro murunyararo. Vakati igaroziva kuti zizi harina nyanga nekudaro havasi kuzobvuma kuhundutsirwa.

Vakati manyepo anofamba achitaurwa nevamwe vakuru veZanu-PF kuti vakakunda musarudzo havatongi mauto ndeenyika kwete bato.

Studio 7 yakayedza kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe asi havana kuda kutaura nesu patakavaudza parunhare kuti tiri kufona kubva kuStudio 7.

Hatinawo kubata mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa.

Mapurisa ari kupomerwa mhosva yekutora divi achitsigira Zanu-PF zvopa kuti zvinhu zvisagadzikane munyika. Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Vapaul Nyathi avo vasinawo kubatika panharembozha yavo vakamboudza Studio 7 kuti mapurisa haatarise kuti wabuda mumba maani.

Bato reCCC riri kushorwawo nemasangano evatori venhau sezvo mumwe anoona nezvekudzivirirwa kwebato akarova mutori wenhau weNewshawk, Muzvare Ruvimbo Muchenje. Bato iri rinoti izvi zvakaitika mushure mekukandwa kwebhambo sezvo zvinhu zvange zvisisina kugadzikana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG