Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Vanopeta Musangano Wavo weKutanga Vave pasi peZanu PF, Vachisarudza Hutungamiri Hutsva


Vakarwa hondo ava vabudawo nezvisungo zvinosanganisira kuti VaMnangagwa vamirire Zanu PF musarudzo dza2023.

Sangano revakarwa hondo yerusununguko rapeta musangano waro wekutanga rave pasi pebato riri kutonga reZanu PF, kumusangano wemazuva matatu wanga uri kuHarare International Conference Centre.

Mushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti musangano uyu wafamba zvakanaka chose zvinoratidza kurongeka kweboka revakarwa hondo ava, uye wabudawo nezvisungo zvakasiyanasiyana, zvinosanganisira kudoma mutungamiri weZanu PF vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa semunhu achamirira Zanu PF musarudzo.

VaMugwadi vanoti musangano uyu wasarudzawo hutungamiri hutsva huchange huctitungamira boka revakarwa hondo iri.

Vasarudzwa vanoti mutevedzeri wemunyori wevakarwa hondo, VaHeadman Moyo veku Matabeleland North, munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa VaRichard Chirongwe vanobva kuMashonaland Central, kuchiti vasarudzwa kuve munyori anoona nezvemari vari Amai Tsitsi Nyirenda vekuMashonaland East.

Munyori anoona nezvegwara remusangano ndaAmai Ntombiyake Ndlovu vekuMatabeleland South, kuchiti munyori wezvekuburitswa kwemashoko asarudzwa vari VaTimothy Njekete vedunhu reHarare.

VaMugwadi vanoti mutungamiri wenyika ndivo vachazodoma munyori weboka revakarwa hondo kumusangano we Politburo uchazogara.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG