Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vari Pasi peZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions Vosangana neMuvhuro Kuzeya Chisungo paNyaya yeMihoro


vashandi vehurumende vari kuda kuwedzerwa mihoro yavo.
vashandi vehurumende vari kuda kuwedzerwa mihoro yavo.

Munyori mukuru wesangano guru rinomirira vashandi vehurumende, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaDavid Dzatsunga, vanoti vari kusangana neMuvhuro svondo rinouya kuti vazeye nezvematanho ekutora kuenda mberi sezvo hurumende isati yavashevedza kumusangano wenhaurirano dzemari.

VaDzatsunga vanoti gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube mwedzi wapera vakavimbisa kuti hurumende yaizowedzera vashandi vayo mihoro yavo, asi vanotarisirawo kuti hurumende isaita zano ndega pakuwedzera mari isina kutanga yagara navo pasi.

Vanoti musangano weMuvhuro uyu uchasimbisawo pamire vashandi vehurumende pekuti havasi kuzotseketuka kubva pamari yavari kuda inoita madhora ekuAmerica mazana mashanu nemakumi mana pamwedzi.

VaDzatsunga varambawo mashoko ari kutenderera pamadandemutande ekuti hurumende yakazivisa kuti ichawedzera vashandi vayi mihoro yavo nezvikamu makumi manomwe kubva muzana (90%) zviri mumari yemunyika, uyewo kuwedzera mari dzekubatsirika kuenda mapadhora mazana maviri ekuAmerica kubva pamadhora zana nemakumi manomwe nemashanu (US$175.00) pamwedzi.

Studio 7 yakundikana kubata Muzvinafundo Ncube kuti tinzwe kana vachabudirira kuwedzera vashandi mihoro sezvavakanga vakavimbisa.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG