Mwanakomana mukuru waMambokadzi Elizabeth Vepiri vekuBritain, avo vakashaya nemusi weChina, Prince Charles, vaziviswa kuruzhinji zviri pamutemo neMugovera kuti ndivo vave mambo kumabiko aitirwa kumuzinda St. James’s Palace uri muLondon.
Prince Charles vakabva vangove mambo weBritain pakashaya amai vavo neChina, uye vachange vave kuzivikanwa saMambo Charles Vetatu.
Matanho anhasi aya ayo atungamirwa nechikwata chinoona nezvekugadzwa kwehumambo che Accession Council, anga angove zvepamutemo pachigaro chavo, uye kaitawo kekutanga kuti zviburitswe pamaterevhizheni.
NeChishanu, Mambo Charles Vetatu vakatura mashoko ekutenda nekuremekedza amai vavo, vachivati “Mudiwa Amai” pamashoko avo ekutanga semutungamiri wenyika.
Mambo Charles Vetatu, avo vave nemakore makumi manomwe nematatu ekuberekwa uye vari munhu akurisisa kugadzwa pachigaro, vati vachashanda nechokwadi, rukudzo uye rudo sezvakaitwa naMaia vavo mumakore anodarika makumi manomwe avakatungamira kusvika vazoshaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nematanhatu.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muBritain, Doctor William Guri, vanoti rufu rwaMambokadzi Elizabeth Vepiri rwaunza kuchema nekubatikana kukuru munyika yeBritain sezvo vanga vari mambokadzi anga achifarirwa munyika make pamwe nekune dzimwe nyika.
Doctor Guri vanotiwo kushaya kwaMambokadzi Elizabeth vari munyika yeScotland kunogona kuunza kukosheswa kwenyika iyi kwakanyanya uye kubatana kwakasimba kudarika zviripo pakati penyika iyi nemubatanidzwa weUnited Kingdom, zvinozogona kuzoita kuti vamwe vemuScotland vanga vaine pfungwa yekuti ibde mumubatanidzwa uyu vazove nemamwe maonero.
Vanoti rufu rwavo ruchaitwa musi wa19 mwedzi uno kuWestminster Abbey muLondon, uye vamwe vehumambo nevanoremekedzwa vari kutarisirwawo kunge variko. Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakati vachaenda kuEngland kurufu.
Panyaya yekuti hukama kweZimbabwe neUnitedKingdom hungashanduka here zvichitevera kutora chigaro chehumambo kwaMambo Charles, Doctor Guri vanoti kufa kwaMambokadzi Elizabeth Vepiri kunogona kuunza pfungwa dzakati piringishaneyi pachitariswa nhoroondo yenyika mbiri idzi kubva munguva yehupambepfumi kusvika nhasi.
Mambokadzi Elizabeth Vepiri vanotarisirwa kuzoradzikwa kumuzinda weWindsor Castle kunze kweLondon parutivi nemurume wavo, Prince Philip.
Facebook Forum