Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Mhuri, Kusanganisira Svikiro, Dzaigara paMugwagwa weHarare-Chirundu kuMasonaland West, Dzinokandwa Pakati peSango


Mhuri dzinodarika makumi mashanu dzakadzingwa papurazi reWaterloo dzakabviswa zvakare pamugwagwa weChirundu-Harare padzakanga dzaiswa.
Mhuri dzinodarika makumi mashanu dzakadzingwa papurazi reWaterloo dzakabviswa zvakare pamugwagwa weChirundu-Harare padzakanga dzaiswa.

Dzimwe mhuri dzinodarika makumi mashanu kusanganisira rimwe svikiro
dzainge dzakabviswa papurazi reWaterloo riri mudunhu reMasonaland
West gore rapera dzichinokandwa pedyo nemugwagwa unobva kuHarare uchienda
kuChirundu, dzakabviswa zvakare panzvimbo iyi zvine chisimba mwedzi wapera dzikanokandwa pakati pesango.

Mudzviti wedunhu reHurungwe, VaAndrew Tizora, vanoti vanhu ava
vakazobviswa zvakare mwedzi wapera sezvo zvakaonekwa kuti munzira
mavainge vagere vachionekwa nemunhu wese ayipfuura zvainge zvisingape
nyika chimiro chakanaka.

Mumwe ari kugara musango ndiVaMaxwell Chatima.
VaChatima, avo vakasungwa nemapurisa pavakabviswa pamugwagwa, vanoti
vakabviswa vachirohwa nemapurisa, vamwe vavo gumi nevanomwe vakasungwa
ndokumiswa pamberi pematare vachipomerwa mhosva yekuzvigadza zvisina
mvumo.

VaChatima vanoti VaTizora vari kuvanyepera kuti vari kutsvaga
pekuvagarisa asi pasina zvavari kuita.

Mumwe anoti akagara pamugwagwa nemusango kwemwedzi mipfumbamwe kusvika
pari zvino, VaMathew Mapudzi, vanoti hupenyu hwakavaomera.

Asi VaTizora vanoti vanhu ava vainge vazvigadza zvisina mvumo
ndokubviswa nematare. Vanoti sehurumende havana mutoro wekuvatsvagira
kwegugara, vachisimbisa kuti vanofanirwa kudzokera kwavakabva.

Vakawanda vevanhu ava vanoti havana kwekuenda sezvo vakabva kumisha
yavo makore akawanda apfuura.

Hatina kunzwa divi remapurisa kuti sei vakarova vahu pavaivabvisa
sezvo mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Amai Magret
Chitove, vati titaure nemutauriri wemapurisa munyika Assistant Commmissioner Paul Nyathi avo vanga vasingadavire mbozhanhare yavo.

Kunyange vanhu ava vakadzingwa vakawanda zvekusvika kumhuri
dzinodarika zana nemakumi mashanu, vamwe vavo vari kutsvaka misha
munzvimbo dzakapoteredza vachibva musango mavakakandwa nehurumende umu.

Mhuri idzi dzakabviswa papurazi re Waterloo, rinove raVaJames Chigwedere, dzichinzi dzakanga dzazvigarisa zviri kunze kwemutemo.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG