Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Gunyana 09, 2022


Shona Headlines

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vochemachema vachiti makambani akazvimirira haasi kuda kuita mushandirapamwe nehurumende mukugadzirisa pamwe nekuwedzera zvivakwa munyika zvinofanana nemigwagwa.

Vana veZimbabwe, vemasangano akazvimirira pamwe nehurumende votaura pamusoro pekushaya kwaMambokadzi Elizabeth vekuBritain uye kudomwa kwanevanji wavo, Charles, samambo weBritain.

Mumiriri weZengeza West muparamende uye vari mutewedzeri wasachigaro weCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala, pamwe nedzimwe nhengo dzebato iri dzinoti Muzvare Joanna Mamombe, Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Netsai Marowa, votarisirwa kudzoka kumatare nhasi uko vari kutongwa nenyaya dzakasiyanasiyana.

Dzimwe mhuri dzinodarika makumi mashanu kusannganisira rimwe svikiro
dzainge dzabviswa papurazi reWaterloo gore rapera mudunu reMasonaland
West dzika kandwa pedzyo nemugwagwa unobva kuHarare uchienda
kuChirundu dzakabviswa zvine chisimba mwedzi wapera dzikanokandwa
pakati pesango.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8:00pm, nhasi tiri kutarisa nezvekushaya kwaMambokadzi Elizabeth vekuBritain, uye kudomwa kwanevanji wavo, Prince Charles samambo weBritain.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai W hatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz pa Short Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG