Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuShurugwi Vogunun'una neNyaya yeMakirinika Asina Mishonga Kunyangwe Isingadhure


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga,
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga,

Vamwe vagari vekuShurugwi kwaNhema vari kuchema chema kuhurumende kuti ivawanise mishonga muzvipatara kuitira kudzivirira zvirwere nerufu rwunogona kudzivirirwa.

Amai Tabita Taru vaudza Studio 7 kuti hakuna rubatsiro rwakanyanya kubva kumakirinika akaita seTongogara neZvamawande sezvo kusina mushonga.

Izvi zvatsinhirwa naAmai Theresa Bhadhara avo vati kunyangwe madzimai akazvitakura havasi kuwana zvekushandisirwa zvakakwana apo vanenge vachisungunuka.

Mukuru anoona nezvehutano mudunhu reMidlands, Dr Mary Muchekeza vaudza Studio7 kuti itaure nevanoona nezvekubudiswa kwemashoko mubazi ravo kana kuti vaizotaura nesu chete kana vachinge vapiwa mvumo nevanotaura vakamirira bazi rezvehutano muHarare.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano varizve mutebedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga sezvo vaneg vasiri kudaira nharembozha ravo. Asi bazi rezvehutano rinogara richi chema chema kuti mari yairi kupihwa mubhajeti ishoma zvikuru.

Vaimbova gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera vaudza Studio 7 kuti dambudziko rekushaikwa kwemishonga rakatekeshera munyika zvinoisa hupenyu hwevanhu munjodzi.

VaMadzorera vatiwo izvi zvinogonawo kukonzera kuti vanhu vasaenda kuzvipatara vakati hurumende inofanirwa kusimudzira nyaya dzehutano.

Bazi rezvehutano rinoti chinangwa charo ndechekusimudzira nyaya yehutano pamwe nehupenyu hweveruzhinji asi vagari vekuShurugwi vanoti izvi hazvisi kuitika

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG