Accessibility links

Breaking News

Mambokadzi Elizabeth vePiri veUnited Kingdom Vakashaya neMusi weChina Vorangarirwa nePasi Rose


Mambokadzi Elizabeth vePiri
Mambokadzi Elizabeth vePiri

Mambokadzi veUnited Kingdom, Queen Elizabeth vepiri, vakashaya nemusi weChina manheru vari mumuzinda wavo weBalmoral Castle, kuScotland.

Mambokadzi Elizabeth vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nematanhatu ekuberekwa, uye vakagara pahutongi uhu kwemakore makumi manomwe, izvo zvinopfuura vamwe vatongi vose munhorowondo yeyeUnited Kingodm.

Zvichitevera kushaya kwavo, nevanji vavo, Charles, uyo ane makore makumi manomwe nematatu, akabva agadzwa pachigaro ichi.

Achange achizivikanwa nezita rekuti Mambo Charles weChitatu, kana kuti King Charles III.

Mumashoko avo enyaradzo mushure mekuzivisa kuti mireza yeAmerica idzikiswe zvishoma, mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, nemudzimai wavo, Amai Jill Biden, vakati Mambokadzi Elizabeth vepiri vakakwanisa kudzikamisa nyika zvinji panguva yekupinduka kwe zvematongerwo enyika pasi pose, vachiti ndivo vakakwanisa kuti nyika dzegungano reCommonwealth dzirambe dziri pamwechete.

VaBiden vakati vanotarisira kushanda zvakanaka naMambo Charles vetatu.

Mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, vakatumiravo mashoko enyaradzo kumhuri yaMambokadzi Elizabeth.

Asi bato rinopikisa muSouth Africa, reEconomic Freedom Fighters, rati harichemi kufa kwaMambokadzi Elizabeth, richiti rufu rwavo runovarangaridza nguva yakaomerwa vanhu vemu Africa, kusanganisa kutorwa nevachena veBritain kwenyika yava kunzi South Africa ikozvino, vachiti kubva panguva iyi, vagari vemu South Africa havana kumbozowana rugare.

Vamwe vakatumira mashoko enyaradzo vanosanganisa vaimbova vatungamiri veAmerica, VaBarack Obama, VaBill Clinton, VaJimmy Carter, VaDonald Trump, naVaEmmanuel Macron vekuFrance.

Munyori anozivikanwa uye vari gweta muBritain, Doctor Simba Mavaza, vanoti Mambokadzi Elizabeth vanga vachidiwa zvikuru nevanhu vavo sezvirikuwonekwa muhuwandu hwevanhu vakaungana pamizinda yaMambokadzi Elizabeth.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG