Accessibility links

Breaking News

Mashoko eMutungamiri weNCA, Muzvinafundo Madhuku, Pamusoro peNhengo dzeBato reCCC Dziri muHusungwa Osimudza Mutauro muNyika


Mutungamiri webato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku
Mutungamiri webato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku

Mashoko anonzi akataurwa nemutungamiri webato rinopikisa reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, ekuti nzira yakakosha yekugadzirisa nyaya yenhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change gumi nenhanhatu dziri muhusungwa dzinosanganisira mumiriri weZengeze West muparamende, VaJob Sikhala, ndeyezvematongerwo enyika, asimudza akasiyanasiyana, vanhu vachipa maonero avo.

Muzvinafundo Madhuku vakabuda mune imwe vhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande vachitaurawo pfungwa dzavo pamusoro pekuramba nhengo dzeCCC idzi dziri muhusungwa, uye vanonzwikwa vachitiwo kana chete bato revasungwa ava rakaramba richiita zvemukonyo, richiita zvariri kuita, rinenge rakundikana zvachose.

Vakaenderera mberi vachiti vane chokwadi chekuti nhengo idzi dziri mubato rezvematongerwo enyika risiro.

Asi gweta vachishanda nekambani yemagweta yeKadzere, Hungwe and Mandevere Legal Practitioners, VaMarufu Mandevere, vanoti mashoko aMuzvinafundo Madhuku aya haaenderane nezvavanodzidzisa kuchikoro chepamusorosoro cheUniversity of Zimbabwe, ekuti mutemo hauoni kuti munhu ndiyani, uye anogara payi.

VaMandevere vanoti mashoko aya anogona kuonekwa seanotsinhira maonero evamwe ekuti matare edzimhosva emunyika akaiswa muhapwa nevezvematongerwo enyika.

Asi vari kutsigira Muzvinafundo Madhuku vari gweta zvakare uye vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza, vanoti Muzvinafundo Madhuku havana kutaura vakamira segweta asi kuti vakataura vakamira semutungamiri webato rezvematongerwo enyika ravanotungamira, vachingopawo maonero avo.

Doctor mavaza vanoti zviri kutaurwa nemashoko aya ndezvekuti kana zvemutemo zvaramba, zvakakosha kuti patsvagwe dzimwe nzira dzinoshanda, kusanganisira dzezvematongerwo enyika, kana chete zvichibatsira kuti vasungwa ava vabude mujeri mavari.

VaSikhala nevamwe vavo vakasungwa musi wa 14 Chikumi vachipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga zvichitevera kupondwa kwenhengo yebato reCCC, Muzvare Moreblessing Ali kuNyatsime, kuChitungwiza, uye vari kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Studio 7 yaedza kubata Muzvinafundo Madhuku, asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG