Accessibility links

Breaking News

Operation Dudula Yoenda kuMatare Kuti Zvizvarwa zveZimbabwe Zvisawedzerwe Nguva yeKugara muSouth Africa


Mutungamiri weOperation Dudula Nhlanhla Lux

Chikwata cheOperation Dudula icho chiri kurwisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe nedzimwe nyika zvisagare muSouth Africa chinoti chiri kuronga kuenda kumatare kunopikisa danho rakatorwa nehurumende yemuSouth Africa rekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvine mapepa ekugara munyika iyi ange osvika kumagumo zviwedzerwe imwe nguva.

Mutungamiri wechikwata cheOperation Dudula Nhlanhla Lux akanyora padandemutande rake reFaceBook kuti vachaenda kumatare achiti vanhu vemunyika iyi vachatonga

Bazi rezvemukati menyika muSouth Africa rakazivisa kuti rave kupa mimwe mwedzi mitanhatu kuzvizvarwa zveZimbabwe kuti zvinge zvagadzirisa mapepa azvo sezvo pasina mukana wekuti zvirambe zvichishanda pasi pehurongwa hweZimbabwe Exemption Permit.

Rimwe bato rinopikisa reActionSA rinotungamirwa nevaive meya weJohannesburg VaHerman Mashaba rinoti riri kuronga kuenga kumatare kunopikisa danho rehurumende iri.

Masangano aya anoti zvizvarw zveZimbababwe zvakapihwa nguva yakakwana uye hazvifanire kuramba zvichigara munyika iyi.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vachisanda nesangano reSouthern Africa Liaison Office VaMunjodzi Mutandiri vanoti sangano ravo riri kuyedza kutaura nevehurumende yeSouth Africa nemamwe masangano sezvo vachiti zvekuenda kumatare panyaya yakadai hazvina zvazvinobatsira.

Hurukuro naVaMunjodzi Mutandiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG