Kereke yeUnited Methodist Church muAmerica mukupera kwesvondo yakaparura zvakare rusando mururimi rweShona kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri munharaunda yeWashington D.C.-Maryland-Virginia (DMV).
Vari kutungamira hurongwa uhwu, Mufundisi Gladman Kapfumvuti, vanoti rwendo rwuno vanotarisira kuti hurongwa hwavo hwabudirira vachienzanisa negore ra2004, apo vakamboedza kutanga rusando mururimi rweShona, vachiti iye zvino vave kuwana rutsigiro rwakasimba kubva kuhutungamiri hwekereke munharaunda yavo.
Reverend Kapfumvuti vanoti vanoona izvi zvakakosha zvikuru nekuti zvinopa vana veZimbabwe vari kunze mukana wekumbosangana vachishumaira nerurimi rwavo vachiti zvinobatsirawo zvakare kudzidzisa vana vaberekerwa kunze kwenyika kudzidza rurimi rwevabereki vavo pamwe netsika dzavo.
Vanoti vanofadzwa zvikuru nekutambirwa kwakaitwa chirongwa ichi nevana veZimbabwe vari muno, uye mune remangwana vanotarisira kuti vachange vokwanisawo kuzoita rusando nemimwe mitauro yekuZimbabwe.
Mufundisi Kapfumvuti vanoti vana veZimbabwe vari munharaunda yavo vanoda kubatana nevamwe mukupinda rusando urwu kanawo kunzwisisa zvakawanda vanokwanisa kuvabata panharembozha yavo inoti +1202 306 2006, kanawo kubata munyori wegungano iri, Amai Portia Kandemiri pa email yavo inoti PortiaKandemiri@yahoo.com.
Facebook Forum