Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu,  Gunyana 07, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vaimbova mutungamiri wehurumende yeBritain VaTony Balir voshorwa nevamwe munyika mavo nenyaya yekusangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuRwanda kumucheto wemusangano wezvekurima nekudya.

Vechikwata cheOperation Dudula nePatriotic Alliance voendesa mapepa kumatare vachipikisa danho rehurumende yeSouth Africa rekuwedzera nguva yekuti vane magwaro eZimbabwe Exemption Permits varambe vari munyika iyi.

Mashoko emutungamiri webato reNCA Muzvinafundo Lovemore Madhuku ekuti bato reCCC riite hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti VaJob Sikhala nevamwe vaburitswe muhusungwa okonzera mutauro munyika.

Bazi rezvehutano rinoti kusvika nezuro, vana mazana manomwe nevana, 704 vange vafa nechirwere chegwirikwiti.

Nhasi muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine hurukuro naMufundisi Gladman Kapfumvuti vekereke yeUnited Methodist Church, avo vakaparura rusando rweShona kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri munharaunda yeWashington D.C., Maryland neVirginia kutanga mwedzi uno.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Diaspora Forum, tiri kutarisa nyaya yemagwaro eZimbabwe Exemption Permits akawedzerwa nguva yekushanda nemwedzi mitanhatu nehurumende yeSouth Africa. Vamwe vave kuenda kumatare vachipikisa danho rehurumende iri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG