Accessibility links

Breaking News

"Takaverenga Vanhu Kubva 2012 Chete" ZimStat Yotsanangura Kuti Sei Vakanzi Vari Kunze Vasingadarike Miriyoni


Beitbridge Border Post
Beitbridge Border Post

Nyanzvi munyaya dzezvekuverengwa kwevanhu musangano Zimbabwe National Statistics agency-ZimStat kana kuti manager demographic analysis VaPerfect Makumbe vaudza Studio 7 kuti vanhu zviuru mazana mapapfumbamwe nemasere zvine mazana mapfumbamwe negumi nevana kana kuti 908, 914 zvakabuda munyika kuotsvaga mafuro manyoro kubva muna 2012 kusvika 2022.

Zimstat Emigrants
Zimstat Emigrants

Asi vamwe munyika vange vachiti zvizvarwa zveZimbabwe zvakaenda kune dzimwe nyika zvinogona kutosvika mamiriyoni mana

. VaMakumbe vati Zimstat yakaverenga vanhu vakabuda mumakore gumi adarika chete.

Vanotiwo vaibvunza hama dzakasara muZimbabwe zvakapa kuti vasaverenge vaye vakabuda iri mhuri yose vachienda kunze kwenyika.

VaMakumbe vatiwo aka ndekekutanga Zimstat ichiita ongororo iyi zvekuti parizvino hapana imwe yekuti ingaenzaniswa nayo.

Vanhu vakawanda vakabuda munyika vakaenda kuSouth Africa vanodarika zviuru mazana manomwe nemanomwe, 773, 246. Vanotevera vakaenda kuBotswana, Malawi, Mozambique, Namibia, Zambia, Britain, America, Canada nedzimwe nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG