Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopembera Kuti Mitengo yeZvinhu Yave Kudzika Asi Vamwe Vachiti Mitengo iri Kutokwira Sekukwirawo kweInflation yePagore


Mitengo yezvinhu munyika inonzi iri kudzika asi vamwe vachiti zvinhu zviri kutokwira.
Mitengo yezvinhu munyika inonzi iri kudzika asi vamwe vachiti zvinhu zviri kutokwira.

Panguva iyo hurumende iri kuzvirovera maoko nekuzvirova dundundu ichiti yakwanisa kuita kuti mitengo yezvinhu idzike munyika zvinhu zvichigadzikana mune zvehupfumi, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe neveruzhinji vari kutochema kuti mitengo yezvinhu iri kukwira zvakanyanya.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo zvikoro zviri kuvhurwa vabereki vachichemachema kuti mari dzechikoro dzakakwira zvakanyanya.

Kunyange hazvo mitengo iri kunzi yadzika, Zimbabwe National Statistics Agency, Zimstats, yakaburitsa gwaro rinoti inflation yepagore yakakwira muna Nyamavhuvhu kusvika pazvikamu mazana maviri nemakumi masere nezvishanu kubva muzana kubva pazvikamu mazana maviri nemakumi mashanu nezvitanhatu nezviga zvipfumbamwe kubva muzana.

Asi inflation yemwedzi nemwedzi inonzi yakadzika kubva pazvikamu makumi maviri nezvishanu nezviga zvitanhatu kubva muzana mumwedzi waChikunguru kuenda pazvikamu gumi nezviviri nezviga zvina kubva muzana mumwedzi waNyamavhuvhu.

Munyori mukuru werimwe sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanotenderana nehurumende pakuti mitengo yezvinhu iri kudzika, asi vachisimbisa kuti hazvisi zvinhu zvese zviri kudzika mutengo.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotsinhirawo kuti mitengo yezvinhu yambodzikama, zvichikonzerwa nekudzikamawo kwezvinhu pamisika yemari.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi Doctor Tapiwa Mashakada, vane maonero akasiyana nevamwe. Doctor Mashakada vanoti vanhu havasati vachema nekukwira kwemitengo yezvinhu, uye kuti zvinhu zvizhinji zvave kutengeswa nemari yekunze.

Muzvinabhizimusi vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda vanotiwo mitengo yezvinhu iri kukwira, asi iri kukwira zvishoma zvishoma zvichienzaniswa nezvaimboitika kare.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaRejoice Ngwenya, vanotiwo hapana chati chachinja munyaya dzemitengo yezvinhu vachiti inflation yakaburitswa neZimstats iyoyo inofambirana nemutengo wedhora rekuAmerica pamusika.

Saka zvingagadziriswa sei? Doctor Mashakada vanoti maonero avo ndeekuti hupfumi hwenyika hunoda kutogarirwa pasi hworukwa kubva nahwo kwekutanga nekuti zvirongwz zvose zviri kuiswa nehurumende hazvisi kushanda.

Zvinhu zvinonzi nehurumende zvadzika mitengo zvinosanganisira mafuta ekufambisa dzimotokari, mafuta ekubikisa, mukaka mumbishi, shuga pamwe nemunyu.

Vamwewo ndivo vari kuti mutengo wenyama wawekuratidza kudzikawo mune zvimwe zvitoro.

Hurumende inoti matanho ayakatora, anosanganisira kutengeswa kwemapeni egoridhe, ndizvo zvimwe zvaita kuti zvinhu zvigadzikane sezvo zvakateramisa mitengo yedhora rekuAmerica pamusika mutema.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG