Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaSikhala Ofungidzira Kuti Vakaisirwa Muchetura neVanhu Vakapinda Mujeri Mavo Vamboburitswa


VaJob Sikhala, VaTendai Biti naVaGodfrey Sithole

Mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala avo vakatanga kurwara vari kujeri reChikurubi mukupera kwesvondo havasati vawona chiremba wavo asi vanonzi vave kunzwa zviri nanai.

Gweta raVaSikhala VaDougie Coltart vaudza Studio 7 kuti kusvika parizvino VaSikhala havasati vaona chiremba wavo asi vanonzi vave kunzwa zviri nani pane zvavaive mukupera kwesvondo nanezuro. VaColtart vanoti kurwara kwavo kunotevera kushanya kwevamwe vanhu vasinganzisisike mujeri mavo pavainge vamboburitswa.

Vakafanobata chinzvimbo chemutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere vatsinhirawo kuti VaSikhala vave nani.

Muzvare Mahere vati ikodzero yaVaSikhala kuti vaone chiremba wavo uyewo VaColtart vati vari kutaura nevekujeri kuti vaone kuti izvi zvaitika asi vakati zvinofadza kuti vave kunzwa zviri nani.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remutauriri weZimbabwe Prisons and Correctional Services Superitendent Meya Khanyezi sezvo vati vange vasiri pabasa vachidzoka mangwana.

Hatinawo kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kuti tinzwe divi ravo pamashoko ekuti VaSikhala vanogona kunge vakaisirwa muchetura.

VeZimbabwe Prisons and Correctional Service vanonzi vakazivisa mhuri yaVaSikhala kuti vainge varwara uye kuti chiremba wavo aifanira kuzovaona kujeri. Asi chiremba wavo akatadza kuvaona nezuro sezvo vainge vaenda kudare kwainzikwa imwe nyaya yavari kupomerwa.

Nhasi zvekare VaSikhala vange vari kudare uko vakwidza nyaya yekuti vachuchusi panyaya yavari kupomerwa yekukonzera mhirizhonga kuNyatsime munaChivabvu vasungwe nenyaya yekuzvidza dare mushure mekunge vatadza kuvapa magwaro avo panyaya iyi kuti vaone kuti vozvidzivirira sei.

VaColtart vanoti Sikhala vari kuda kuti vachuchusi ava, VaMichael Reza naVaLancelot Mutsokoti, vakandwe mutirongo nekuti vakatadza kuita zvavakavimbisa dare.

Vati vachuchusi ava vave kupa zvikonzero zvisina muturo nekudaro vanotarisira kuti vachabatwa nemhosva yekuzvidza dare apo dare richapa mutongo waro panyaya iyi nemusi weChishanu.

Zvichadakadai Muzvare Mahare vati nyaya yekuti vachuchusi vanotadza kupa VaSikhala magwaro ekuti vagadzirire kutongwa kwenyaya yavo kana kuti State Papers kuno ratidza pachena kuti hapana humbowo hwakakwana panyaya yavari kupomerwa.

VaSikhala vane nyaya mbiri dziri kumatare pari zvino. Yekutanga ivo nevamwe gumi nevashanu kubva kubato ravo reCCC, varikupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga kuNyatsime muna Chivabvu mushure mekupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali nhengoyebat ravo.

VaSikhala ndivo gweta remhuri yaMuzvare Ali. Mhosva yechipiri yavari kupomerwa ndetekuti vakapesvedzera veruzhinji kuita mhirizhonga muna 2019. VaSikhala nevamwe vavo vari kuramba mhosva idzi.

Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti nhengo dzeTripple C gumi nenhatu idzi dziri kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nekuti hurumende iri kupindira mukutongwa kwavo. Asi VaZiyambi vakamboudza Studio 7 kuti matare haapindire panyaya yaVaSikhala nevamwe vavo kana dzimwewo zvadzo nyaya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG