Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoronga Kunyorerana Zvibvumirano neDzimwe Nyika Kuti Iwane Mutero Pavashandi Vanonoshanda Kunze


Muzvinafundo Paul Mavima
Muzvinafundo Paul Mavima

Gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti Zimbabwe yave kukwenenzvera hurongwa hwekunyorerana zvibvumirano nedzimwe nyika panyaya yevashandi vanenge vachibuda munyika kunoshanda kunze.

Hurumende inoti yaona zvakakosha kuita izvi sezvo zvichisimudzira hupfumi hwenyika kuburikidzwa nemari dzinotumirwa nemitero inbhadhariswa nyika idzi pahunyanzvi hwevashandi ava.

Gore rapera, hurumende yakaparura hurongwa hweNational Labour Migration Policy for Zimbabwe hunotarisa nyaya idzi. Izvi zvinoteverawo chibvumirano chakanyoreranwa nenyika dziri mugungano reUnited Nations chinonzi Global Compact for safe, Orderly and Regular Migration chakaparurwa muna 2019.

Muzvinafundo Mavima vaudza Studio 7 kuti pane nyika dzakawanda pasi rinon dziri kuita hurongwa uhu.

Vaenderera mberi vachiti hurongwa hwekusainirana zvibvumirano kana kuti Memorandum of Understanding nenyika dziri kuda vashandi vemunyika dzichabatsira Zimbabwe sezvo paine mutero uchabhadharwa pavashandi vanenge vaenda kunyika idzi.

Asi kunyangwe Zimbabwe iri kuendesa varairidzi kuRwanda, gurukota rinoona nezvedzidzo yepasi, Amai Evely Ndlovu vakaudza dare reparamende kuti nyika inoda vamwe varairidzi zviuru makumi maviri

Zimbabwe yakatonyorerana chibvumirano chakadai nenyika yeRwanda uye varairidzi mazana maviri nevasere kana kuti 208 vakatobudirira kuenda kunhyika iyi.

Munyori mukuru mubazi rezvevashandi nemagariro evanhu VaSimon Masaanga vanoti hurumende haisi kuzogumira pakuita chibvumirano neRwanda chete.

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vashora zvikuru zviri kuitwa nehurumende izvi.

VaMoyo vaenderera mberi vachiti havaone mutero unenge uchibhadharwa hurumende nedzimwe nyika uchibatsira vanhuwo zvavo sezvo huwori hwakawandisa muhurumende.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinova Nyanzi munyaya dzekufambiswa kwemari muBotswana Muzvare Immaculate Moyo vanoti hurumende iri kuda kukohwa paisina kurima.

Nyika dzakaita sePhilippine vashandi vanoenda kune dzimwe nyika pachibhadharwa mari dzemitero vari kubatsira zvikuru kusimudzira hupfumi hwenyika idzi. Kunze kwekuti nyika inowana mutero, hurumende inenge ichikwanisa kuonawo kuti kodzero dzevashandi ava dzachengetedzwa.

Hurumende eZimbabwe inoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika muna 2020 zvakatumira mari yekuAmerica inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana mana kana kuti 1, 4 billion United States Dollars.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG