Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 06, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Gweta remumiriri weZengeza West uye vakafanobata chigaro chemutevedzeri wasachigaro weCitizens Coalition for Change VaJob Sikhala rinoti vanogona kunge vakaisirwa muchetura nevanhu vakapinda mujeri mavo vasimo asi vachiti vave kunzwa havo zviri nani.

Hurumende inoti yave kuita hurongwa hwekuendesa kunze kwenyika zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichinotsvaga mabasa yopihwa mutero.

ZIMSTAT yotsanangura kuti yakasvika sei pakuti kune vanhu vari kunze kwenyika vanodarika zviuru mazana mapfumbamwe nemasere ne mazana mapfumbamwe negumi nevatatu kana kuti 908, 913.

Nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevashandi dzozeya nezvekudzika kunonzi kuri kuita mitengo yezvinhu panguva iyo inflation yepagore yakakwira zvakanyanya mumwedzi waNyamavhuvhu kusvika pazvikamu mazana maviri nemakumi masere nezvishanu kubva muzana ichibva pazvikamu mazana maviri nemakumi mashanu nezvinomwe kubva muzana muna Chikunguru, ukuwo inflation yepamwe ichidzika kubva pazvikamu makumi maviri vezvishanu nezviga zvitanhatu kubva muzana kuenda pazvikamu gumi nezviviri nezviga zvina kubva muzana.

Dare repamusoro rozeya nyaya yakakwidzwa kwariri yekuti mari yemutero inobhadharwa nevanhu vanenge vatyorerwa kodzero dzavo kana vachida muripo ibviswe. Vakaendeswa kumatare igurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi nemuchuchusi mukuru wehurumende VaPrince Machaya.

Tiri kuzeya makore matatu kubva zvafa vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. Vakashaya musi wa 6 Gunyana, 2019.

Muchirongwa chedu chevechidiki cheThe Connection na8 pm, tiri kuzeya nyaya yekuvhurwa kwezvikoro uye kudzingwa kwevana varo kunzi Havana kubhadhara mari dzechikoro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG