Nezuro veZimbabwe Prisons and Correctional Service, vakaudza mhuri yemumiriri weZengeza West VaJob Sikhala vebato reCitizens Coalition for Change kuti vainge vasiri kunzwa zvakanaka kujeri reChikurubi uye vaifanira kuuya nachiremba wavo kuti azovaongorora.
Asi rimwe remagweta avo, VaFred Masarirevhu, vaudza Studio7 kuti VaSikhala vange vasati vaonekwa nachiremba wavo pataenda pamhepo sezvo vange vaenda kudare pane imwe nyaya yavari kupomerwa.
Rimwewo remwagweta avo, VaDougie Coltart, vatsinhira izvi vachiti vashaya VaSikhala kuChikurubi apo vaenda vachida kuona kuti vaonekwa nachiremba here.
Pakarwara, VaSikhala vari mujeri nguva pfupi yapfuura, chiremba wavo akarambidzwa kuvaona achinzi aifanira kutanga apihwa mvumo nedare redzimhosva
VaMasarirevhu vaudza Studio 7 kuti chiremba waVaSikhala anotarisirwa kuvaona kuChikurubi nhasi kana mangwana uye vakamirirwa kuenda kudare kana akarambidzwa kuvaona.
Mutauriri webato reTripple C, Muzvare Fadzayi Mahere vaudza Studio 7 kuti havatarisiri kuti veZimbabwe Prisons and Correctional Services vacharambidza chiremba kuona VaSikhala sezvo vari ivo vakakoka mhuri yavo kuti iuye nachiremba wavo.
Hatina kukwanisa kunzwa divi reZimbabwe Prisons and Correctional Services sezvo mutauriri wayo, Supt Meya Khanyezi vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.
Muzvare Mahere naVaMasarirevhu vaudza Studio 7 kuti VaSikhala vari kurwara nemudumbu nekushaya simba uye vari kutadza kufamba zvakanaka.
VaSikhala vasvitsa mazuva makumi masere nematatu vari mutirongo zvichitevera kusungwa kwavo nevamwwe gumi nevashanu vachipomerwa mhosva yekukonzwera mhirizhonga kuNyatsime munaChivabvu. Vari kuramba mhosva iyi.
Zvichakadai nhasi dare rati VaSikhala vachatanga kutongwa musi wa14 mwedzi uno pane imwe nyaya vari kupomerwa yekukurudzidzira veruzhinji kuita mhirizhonga muna 2019.
Facebook Forum