Accessibility links

Breaking News

CCC Yopemberera Kukunda kuBulilima, Zanu-PF Ichiti Bato Iri Haridi Kukundwa Chete


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change ndiro rakunda musarudzo mbiri panhatu dzemakanzura ekumaruwa dzakaitwa kuBulilima nemusi weMugovera.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change VaOstallos Siziba vati kunyangwe painge paine kutyisidzirwa kwakanyanya pamberi pesarudzo idzi, vanhu vakavhotera bato ravo.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati vanokorokotedza vakakunda asi vakati veCCC vakakundwa mune remangwana havafanire kuramba kutambira zvinenge zvabuda musarudzo.

Izvi zvakaburitswa nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbawe Electoral Commission kana kuti ZEC. Sarudzo idzi dzakaitwa mushure mumwe kanzura weZanu-PF afa uye vamwe vaviri vasiya basa. MuWard 16, VaMakhadi Moyo veCCC ndivo vakakunda vakapinda musarudzo vanoti Muzvare Jane Moyo veZanu-PF naVaHitman Ncube veZapu.

Muward 1 vakakunda ndiVaEphraim Moyo veCCC, vakakunda VaDalton Moyo, vePPP, VaKossam Ndlovu veZanu-PF uye Amai Lindiwe Nyoni veCGC. VaExperience Dube veZanu-PF vakakunda muWard 14 vachikunda veCCC neZapu.

Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN raingorora sarudzo idzi rakati vanhu vashoma ndivo vakaenda kunovhota asi richiti izvi zvinowanzoitika musarudzo dzemaby elections. ZEC inoti vanhu vakavhota vanoti darikei zvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG