Accessibility links

Breaking News

Sangano reAfrican Diaspora Forum Rotambira neMufaro Kuwedzerwa kweNguva Yekuti Vana veZimbabwe Vagadzirise Magwaro Avo muSouth Africa


Sachigaro veAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda

Rimwe sangano rinomirira zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa zviri munyika iyi, reAfrican Diaspora Forum, rinoti rinotambira nemufaro danho rakatorwa nehurumende yeSouth Africa rekuwedzera nemwedzi mitanhatu nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits akasvika kumagumo zvitsvage mamwe mavhiza anoita kuti zvikwanise kugara zviri pamutemo munyika iyi.

Nemusi weChishanu bazi rezvemukati meSouth Africa rakazivisa nezvedanho iri richiti mwedzi mitanhatu iyi inobvira musi wa 31 Zvita, 2022 kusvika musi wa 30 Chikumi 2023.

Magwaro eZEP ezvizvarwa zvinosvika zviuru zana nemakumi masere, 180 000, akaguma kushanda muna Zvita 2021, asi hurumende yeSouth Africa yakapa zvizvarwa zveZimbabwe izvi gore rimwe chete kuti zvinyorere mamwe mavhiza anozvibvumidza kugara munyika iyi zviri pamutemo kusvika musi wa 31 Zvita gore rino.

Asi Vazhinji vevaifanirwa kunyorera mavhiza aya vanoti hurongwa hwacho kakomo kasina ukwiriko sezvo vanhu vanoda kusvika zviuru zvisere chete pazviuru zana nemakumi masere zvine magwaro aya ndivo vakakwanisa kunyorersa chete kusvika pari zvino.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutambiswa chamutavanhava nezvizvarwa zveSouth Africa zviri kuda kuti zvibude munyika iyi, uye kuti zvisarapwa pachena muzvipatara zvehurumende.

Sachigaro veAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti vanotambira nemufaro danho iri, vachiti sezvo nyaya iyi iri kupinda mudare redzimhosva muna Gumiguru, zvinovapa mukana wekuziva kuti zvii zvabuda kudare.

Asi Doctor Sibanda vanoti havaoni zvavo nguva yawedzerwa iyi iine zvikuru zvainobatsira nazvo vana veZimbabwe kuti vagadzirise magwaro avo sezvo vazhinji vavo vakatotadza kubudirira nechakare.

Nhengo yeZanu PF vari mumiriri weGutu South muparamende, uye vari mukokeri wenhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurai Togarepi, vanotiwo zvinhu zvakanaka chaizvo zvekuti hurumende yawedzera nguva iyi, vachiti zvinopawo mukana zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvigadzirise magwaro azvo kuti zvikwanise kushanda nekugara munyika iyi zviri pamutemo.

VaTogarepi vanokurudzirawo kuti vasina mapepa vashandise mukana iwoyu wemwedzi mitanhatu vadzokere kumusha.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG