Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Sarudzo dzeMakanzuru kuBulilima Dzatanga neNguva Uye Dziri Kufamba Zvakanaka, ZESN Ichiti Yagutsikanawo neGadziriro yeZEC


ZEC inoti sarudzo dzema by-election dziri kufamba zvakanaka kuBulilima.

Komisheni inotungamira sarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, inoti sarudzo dzemakanzuru mumawadhi anoti 1, 14 ne 16, kuBulilima dzatanga zvakanaka uye nzvimbo dzose dzekuvhotera dzavhurwa nenguva yakatarwa ya 7 dzemangwanani.

Ongororo yaburitswa nguva dzemasikati nesangano reZESN, iro riri kuongorora mafambiro ari kuita sarudzo idzi, inoti sangano iri riri kugutsikana negadziriro yeZEC pamwe nekuvhura nenguva kwaitwa nzvimbo dzekuvhotera.

ZESN inotiwo yaona kuti zvikwanisiro zvose zvinodiwa pakuvhota zvanga zvave panzvimbo dzekuvhotera dzose nenguva.

ZESN inoti kusvika panguva dzemasikati vanhu makumi mana vanga vabatsirwa kuvhota munzvimbo nhatu dziri kuvhoterwa, makumi matatu nemumwe wavo vari vanhu vasingaoni.

Sangano iri rinotiwo vanhu vashoma ndivo vabuda kunovhota musarudzo idzi.

Mapato anoti ZANU-PF, Citizens’ Coalition for Change neZAPU ndiwo ane nhengo dziri kukwikwidzana musarudzo idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG