Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Media Commission Yokurudzira Vatori veNhau Kuita Basa Ravo Nemazvo Ichiti Zvinobatsira muHutongi hweJekerere neKusimudzira nyika.


Zimbabwe Media Commission

Zimbabwe Media komishini inoti apo nyika yatarisana nesarudzo dza2023, vatori venhau vanofanirwa kuita basa ravo nemazvo ichiti izvi zvinobatsira muhutongi hwejekerere nekusimudzira nyika.

Vachitaura nevatori venhau nhasi muKadoma kumusangano wakakokerwa neZimbabwe Election Support Network, uyo uri kudzidzisa vatori venhau zvinotarisirwa pakuganhurwa kwematunhu nezvesarudzo, mukuru wekomishini yeZMC, VaAcademy Chinhamora, vati nguva yesarudzo inguva yakakosha zvikuru uye vatori venhau vane basa guru rekufambisa mashoko.

VaChinhamora vati vatapi venhau vakaita basa nemazvo zvinobatsira nyika pamwe nekukurudzira hutongi hwejekerere.

VaChinhamora vakurudzirawo vatapi venhau kuti vanzwisise mitemo inovabata pavanopepeta nhau.

Vatiwo komisheni yavo panguva dzesarudzo inoitawo misangano nevatori venhau, vezvemitemo, vanoita zvesarudzo pamwe nevari munezvematongerwo enyika senzira yekuderedza kushungurudzwa kwevatori venhau, uye izvi ndizvo zvavachange vachiita.

VaMalvern Mukudu, vanoshanda neMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, vatsinhirawo kuti vatapi venhau vanofanirwa kunzwisisa mutemo kusanganisira weData Protection Act.

Vatiwo nekuda kwekuti ndekekutanga kuitwa sarudzo mutemo uyu wavepo, pane njodzi yekuti mutemo uyu unogona kushandiswa zvakanyanya kuvatori venhau.

VaMukudu vakurudzirawo vatori venhau kuti vaite zvinotevera senzira yekuzvichengetedza panguva ino vanhu vogadzirira sarudzo.

Mumwe mutori wenhau anga ari pamusangano uyu, VaChengetai Murimwa, vati sarudzo dzinounza kutyisa kukuru kuvatori venhau nekuda kwemhirizhonga yezvematongerwo enyika, iyo inovabatanidzira nguva zhinji.

ZESN inotiwo zvakakosha kuti vatapi venhau vapiwe ruzivo nezvesarudzo kuti vakwanise kunyora zvine ruzivo rwakadzama nezvesarudzo, zvigobatsira vese vane chekuita nesarudzo kusanganisira vavhoti.

Vachitaurawo kumusangano wevatori venhau wakaitwa kuBulawayo nezuro, we2022 Africa Journalism and Media Summit, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakakurudzirawo vatori venhau kuti vaite basa ravo nehunyanzvi, vachiburitsa nhau dzechokwadi.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG