Accessibility links

Breaking News

Vemapato Anopikisa neVemasangano Anorwira Kodzero Dzevanhu Voshoropodza Mutungamiri weBotswana, VaMasisi, neKutsigira Kwavo VaMnangagwa


Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi (kuruboshe) nemutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, (kurudyi).

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vashoropodzwa zvikuru nevanopikisa uye vanorwira kodzero dzevanhu muno muZimbabwe nemuBotswana vachiti vari kutsigira hutungamiriri hwaVaEmmerson Mnangagwa uhwo hwavanoti huri kuenderera mberi nekumbunyikidza kodzero dzevanhu munyika.

Mumashoko avo vachangosvika panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport muHarare nezuro masikati, VaMasisi vakati hushamwari huripo pakati pavo naVaMnangagwa ndehwebhande nebhurugwa.

Vakaenderera mberi vachiti hushamwari hwavo hunosimbaradzwa nekuti mapato avanotungamira ndivo ari panyanga uye ZANU PF yakatotumira nhume dzayo kumusangano webato reBotswana Democratic Party kana kuti BDP uyo wakaitwa mukupera kwesvondo rakapera.

Asi mutungamiri werimwe remapato anopikisa munyika reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vati zvinorwadza zvikuru kuti VaMasisi vari kusarudza kupembedza VaMnangagwa pane kuti vavatsiure.

VaNgarivhume vatiwo zvakare vana veZimbabwe vari kunyombwa kunze kwenyika nekuda kwemamiriro ehupfumi ayo akaita manyama amire nerongo nekuda kwehurumende yeZANU PF.

Mutauriri weCitizens Coalition for Change kana kuti CCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vaudza Studio7 kuti hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzekutyorwa kwekudzero dzevanhu munyika.

Mutungamiri werimwe remapato anopikisa muBotswana reBotswana Congress Party (BCP), VaDumelang Saleshando, vaudzawo Studio7 kuti mashoko aVaMasisi anoratidza kuti vakuru vemudunhu reSADC vanotya kuudza VaMnangwa chokwadi.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu munyika iyi richishanda rakazvimirira muguta reGaborone, VaUyapo Ndadi, vati maitiro aVaMasisi ndee munhu ari kutsvaga dzvene kunaVaMnangagwa.

Murwiri wezvemagariro evanhu akanaka vachishanda vakazvimirira, VaTendai Reuben Mbofana vati VaMasisi vakafanira kushandisa hushamwari hwavo naVaMnangagwa kuvaudza chokwadi kuitira kuti vana veZimbabwe vasununguke.

Muna 2019, Zimbabwe neBotswana dzakawandudza hukama hwadzo kubva paJoint Commission kuenda kuBi-National Commission, chidanho chinoona vatungamiri venyika mbiri idzi vachisangana gore negore vachizeya nyaya dzakakoshera nyika mbiri idzi.

Pamusangano wechitatu weZimbabwe-Botswana Bi-National Commission, uyo vakaitirwa kuVictoria Falls mukutanga kwegore rino, nyika mbiri idzi dzakasainirana zvibvumirano zvitsva zvishanu izvo zvasvitsa zvibvumirano zvose kumakumi maviri nezvishanu pamakumi mana nezvitatu zviri kutarisirwa kubvumiranwa nenyika idzi.

Pose pavanovana mukana wekutaura, VaMasisi, avo vakazopa mhinduro yavo pakukokwa kwavo kuzovhura showo yegore rino nemusi weChitatu svondo rino, vanokurudzira kubviswa kwezvirango zvehupfumi zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nemamwe makambani akazvimirira ega nenyika dzekumawirira nekuda kwekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG