Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeSouth Africa Inowedzera neMwedzi Mitanhatu Nguva yeKuti Zvizvarwa zveZimbabwe Zvigadzirise Magwaro Azvo


Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa
Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa

Mashoko atichangotambira anoti bazi rezvemukati menyika muSouth Africa rawedzera nemwedzi mitanhatu nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits akasvika kumagumo zvigadzirise rugaro rwazvo munyika iyi.

Mwedzi mitanhatu iyi inobvira musi wa 31 Zvita, 2022 kusvika musi wa 30 Chikumi 2023.

Magwaro eZEP akaguma kushanda muna Zvita 2021, asi hurumende yeSouth Africa yakapa zvizvarwa zveZimbabwe gore rimwe chete kuti zvinyorere mamwe mavhiza anozvibvumidza kugara munyika iyi zviri pamutemo kusvika musi wa 31 Zvita gore rino.

Asi Vazhinji vevaifanirwa kunyorera mavhiza aya vanoti hurongwa hwacho kakomo kasina ukwiriko sezvo vanhu vanoda kusvika zviuru zvisere chete pazviuru zana nemakumi masere zvine magwaro aya ndivo vakakwanisa kunyorersa chete kusvika pari zvino.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutambiswa chamutavanhava nezvizvarwa zveSouth Africa zviri kuda kuti zvibude munyika iyi, uye kuti zvisarapwa pachena muzvipatara zvehurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG