Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeBato Rinopikisa muSouth Africa reEFF Dzonetsana neChikwata cheOperation Dudula Icho Chiri Kurambidza veKunze Kurapwa muNyika Iyi


Bato reEFF nemutungamiri waro VaJulius Malema, vagara vachirwira vekune dzimwe nyika kuti vasashungurudzwa muSouth Africa.

Nhengo dzebato rinopikisa muSouth Africa, reEconomic Freedom Fighters, EFF, dzinonzi dzambonetsana zvakasimba nenhengo dzechikwata cheOperation Dudula, icho chiri kurambidza vekunze kurapwa munyika iyi.

Nhengo dzeEFF dzinonzi nhasi dzakwanisa kuvhurira vekunze kuti varapwe pakiriniki yeHillbrow iri muJohannesburg, iyo yakambenge yavharirwa vekunze neOperation Dudula kuti vasapinde.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri mu Pretoria, Mufundisi Richard Moyo vanoti kuchipatara chikuru cheKalafong Provincial Tertiary Hospital chiri muPretiora mapurisa arara akachengetedza kuti chisakanganiswa mashandiro.

Vanotiwo vebato reEFF vanga vachibatsirawo kudzivirira vanobva kunze kwenyika zvazomboita kuti vakandirane zvibhakera neveOperation Dudula.

Kutanga svondo rino veOperation Dudula vanga vachirambidza vekunze kupinda muzvipatara nemakirini ari pasi pehurumende vachiti vekunze havafanirwe kurapwa pachena muSouth Africa nekuti vari kupedzera zvizvarwa zvenyika iyi zvikwanisiro.

Hurukuro naMufundisi Richard Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG