Accessibility links

Breaking News

Kushungurudzwa kweVanopikisa Hurumende Pamwe neKurudziro Yekuti UN Itungamire Sarudzo Zvopesanisa Maonero eVezvematongerwo eNyika


Mutungamiri webato rinopikisa reCCC, VaNelson Chamisa vari kukurudzira kuti UN itungamire sarudzo gore rinouya.

Mhirizhonga yezvematongerwo enyika pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe, zvikuru vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu, zvinonzi zviri kukwira nekuda kwesarudzo dzatarisana nenyika dzichaitwa gore rinouya, zvichinzi zviri kukonzerwa nebato riri kutonga reZanu PF, mapurisa pamwe nehurumende.

Semuenzaniso, svondo rapera mutungamiri webato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanoti vakatadziswa nenhengo dzeZanu PF kuita misangano nevatsigiri vavo mune mamwe matunhu ekumaruwa nekuda kwemhirizhonga.

Ukuwo, nhengo gumi nenhanhatu dzebato ravo reCCC dzinosanganisira mumiriri weZengeza West muparamende VaJob Sikhala pamwe nemumiriri weChitungwiza North, VaGodfrey Sithole, dziri kukwangwaya dziri mujeri reChikurubi.

Muzuva ranhasi vasungwa ava vasvitsa mazuva makumi manomwe nemapfumbamwe vari muhusungwa mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nematare edzimhosva.

Nekuda kwezvose izvi, VaChamisa vave kukurudzira kuti sarudzo dzegore rinouya dzitungamirwe nesangano reUnited Nations senzira yekudzivirira gakava mushure mesarudzo idzi.

Izvi zviri kutsigirwa nemutungamiri werimwe bato rinopikisa re Democratic Party, dDoctor Urayayi Zembe, avo vanoti kugariswa kuhusungwa kwaVaSikhala nevamwe vavo kuri pachena kuti kune chekuita nezvematongerwo enyika.

Doctor Zembe vanoti United Nations inofanirwa kupinda kunotungamira sarudzo vachiti kubva zvawana nyika kuzvitonga kusvika nhasi, munyika hamusati mamboitwa sarudzo dzakachena.

Vanoti Zimbabwe inhengo kumasangano anosanganisira African Union, SADC neUnited Nations yacho saka haifanirwe kutya kuti masangano aya atungamire sarudzo.

Asi hurumende yagara zvayo ichiti ZEC inogona kufambisa sarudzo zviri pachena.

Ukuwo, nhengo yebato reZanu PF, VaGilbert Dzikiti, vanoramba kuti munyika maberekera ingwe, vachiti vanopikisa ndivo vanototanga musindo nguva dzose sezvavanoti zvakaitwa naVaSikhala nevamwe vavo kuNyatsime, kuChitungwiza.

Vadzikiti vanoti zvekuti United Nations ive iyo inotungamira sarudzo munyika zviroto chaizvo nekuti Zimbabwe haisi muhondo zvingaita kuti sangano iri ripinde munyika kunotungamira sarudzo.

United Nations ndiyo yakatungamira sarudzo dzekutanga muZimbabe muna 1980, idzo dzakahwinhwa neZanu PF.

Hurukuro naDoctor Urayayi Zembe pamwe naVaGilbert Dzikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG