Accessibility links

Breaking News

Paramende Yotarisirwa Kuzeya Kuvhiringidzwa kweZvirongwa Zvayo neVanofungidzirwa Kuti Vatsigiri veZanu-PF


Zanu-PF Youths
Zanu-PF Youths

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvevadiki, kana kuti Parliamentary Portfolio Committee on Youth Affairs, VaOmega Sibanda vakaudza Studio 7 kuti vari kunyora gwaro richaendeswa kuparamende rinotaura pamusoro pemhirizhonga dzakaitika pamisangano yaikurukurwa nezvekudzorwa kwechirongwa che National Youth Service .

Misangano iyi yakavhiringwa muBulawayo neku Watsomba, ku Manicaland, nevanofungidzirwa kuti vadiki vebato reZanu-PF. Vamwe vakapinda mumisangano iyi vanoti vakarohwa pamisangano iyi nekuti vakanga vachiramba kuti National Youth Service idzoswe.

Hurumende inoti iri kuronga kuti chirongwa cheNational Youth Service chidzoswe gore rinouya asi veruzhinji, pamwe nevemapato anopikisa, vanotya kuti vadzidzi vanobva kuchikoro ichi vanokonzera mhirizhonga nekurova vanhu vasingatsigiri bato reZanu-PF, zvikuru sei panguva yesarudzo yatarisana nenyika.

Nyanzvi munyaya dzebudiriro dzematunhu, VaJoy Mabenge, vanoti National Youth Service haina chainopa vechidiki ava, vachiti chinodiwa ikozvino mikana yemabasa.

VaMabenge vanoti pane zvikoro zvizhinji munyika zviri kudzidzsa vanhu mabasa asi mabasa acho asipo munyika, vachiti Zimbabwe inodzidzisa varairidzi asi yovaendesa kunoshanda kune dzimwe nyika nekuti haina mabasa kana mari yekupinza vanhu ava mabasa munyika mayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri webato re Zanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoramba mashoko ekuti vatsigiri vebato ravo ndivo vari kukonzera mhirizhonga pamisangano iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG