Accessibility links

Breaking News

Mwana waVaMphoko Opomerwa Mhosva yeKubata Chibharo


VaSiqokoqela Mphoko, son of former vice president Phelekezela Mphoko
VaSiqokoqela Mphoko, son of former vice president Phelekezela Mphoko

Mwanakomana wevaive mutevedzeri mutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko, Siqokoqela Mphoko anova zvekare muzvinabhizimisi akazvipira kumapurisa ekuHillside muBulawayo nezuro mushure mekumbotiza kubva mukamba iyi neChipiri.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti VaSiqokoqela Mphoko vari kupomerwa mhosva yekubata chibharo mumwe mwana ane makore gumi nemaviri.

VaMphoko vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare nhasi uye vari kuramba mhosva iyi vachiti vavengi vavo mubhizimisi ndivo vari kuda kuvasungisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG