Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende dzeZanu PF Dziri muSouth Africa Dzinosangana neZvizvarwa zveZimbabwe Zvatarisana neKudzingwa muNyika iyi


Nhengo yeZanu PF inomirira Gutu South muparamende, VaPupurai Togarepi
Nhengo yeZanu PF inomirira Gutu South muparamende, VaPupurai Togarepi

Nhengo dzeparamende mbiri dzinobva kubato reZanu PF dziri muSouth Africa kumisangano yePan African Parliament, dzakatora mukana uyu kusangana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvatarisana nedambudziko rekupera kushanda kwemagwaro eZimbabwe Exemption Permits mukupera kwegore rino.

Nhengo mbiri idzi, VaPupurai Togarepi vanomirira Gutu South uye vari mukokeri wenhengo dzeZanu PF mudare reparamende pamwe naAmai Stars Mathe vanomirira Nkayi South, dzakavimbisa zvizvarwa zveZimbabwe izvi kuti zvakasununguka kudzoka kumusha kana zvakakundikana kuzadzisa zviri kudiwa nehurumende yeSouth Africa, zvisineyi nemamiriro azvo mune zvematongerwo enyika.

VaTogarepi vanoti hurumende iri mushishi kuita zvirongwz zvakasiyanasiyana zvekusimudzira magariro nehupenyu hwevana veZimbabwe, vachiti vose vanodzoka kumusha vanowana zvekuita uye zvekubatsirwa nazvo.

Vanotiwo vanotarisira kunzwa kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe izvi sezvo zvakadzidzawo hunyanzvi hwakasiyanasiyana hwazvinokwanisa kushandisa zvadzoka kumusha.

Kunyange hazvo rwuzhinji rwevanhu vari muSouth Africa rwuchinzi rwakaenda kunotsvaga mafuro manyoro, vamwe vanoti vari munyika iyi mushure mekunge vakatiza kushungurudzwa nehurumende yeZanu PF, izvo zvinogona kuita kuti vamwe varambe vari munyika iyi kunyange vasisina magwaro anovabvumidza kugaramo.

Hurukuro naVaPupurai Togarepi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG