Accessibility links

Breaking News

Kushungurudzwa kweZvizvarwa zveKunze Zvichirambidzwa Kupinda muZvipatara neChikwata cheOperation Dudula muSouth Africa kwoenderera Mberi


Chikwata cheOperation Dudula chemuSouth Africachinoti vekunze vari kuremedza hupfumi hwenyika iyi.
Chikwata cheOperation Dudula chemuSouth Africachinoti vekunze vari kuremedza hupfumi hwenyika iyi.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinoti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka sezvo nyaya dzekushungurudzwa nezvizvarwa zvenyika iyi dziri kuenderera mberi, kunyange hazvo hurumende dzenyika mbiri idzi dziri kuti dziri kutaurirana.

Nhengo dzechikwata cheOperation Dudula, icho chiri kurwisa kuti zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa zvibude munyika iyi, dzaenderera mberi nekurambidza vekunze kupinda muzvipatara nemakiriniki zvehurumende zviri muJohannesburg nemuPretoria.

Chikwata ichi changa chakamira pamikova yemakiriniki ari muJohannesburg anosanganisira Hillbrow Community Health Centre, uye chinonzi chakatanga kurambidza vekunze kupinda muzvipatara neMuvhuro apo chakavhara mukova wechipatara chikuru cheKalafong Provincial Tertiary Hospital chiri mudunhu re Gauteng.

Nhengo dzebato rinopikisa reEconomic FreedomFighters (EFF) dzinonzi dzanga dziri pachipatara ichi neChitatu dzakagarira veOperation Dudula ava kuti vasarambidza varwere kupinda muchipatara ichi.

Izvi zviri kuuya mushure mekunge mumwe mukuru wezvehutano mudunhu reLimpopo, Dr. Phophi Ramathuba svondo rapera vanyadzisa chimwe chizvarwa cheZimbabwe chairwara chiri mune chimwe chipatara mudunhu iri vachiti vekunze vari kupedzera vemuSouth Africa mishonga nezvikwanisiro.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kanawo mapurisa panyaya iyi. Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muPretoria muSouth Africa, Mufundisi Richard Moyo, avo vari kutevera zviri kuitika, vanoti nhau iyi inhau inosiririsa uye kurwadza kuona zviri kuitwa vekunze nezvizvarwa zvaSouth Africa, uchiona kuti vari kushungurudzwa ava vanenge vari varwere kana vari kuperekedza varwere.

Mufundisi Moyo vanoti kunyange hazvo mapurisa ari kuzama kubatsira, havaoni ari kuita zvinoita kuti kushungurudzwa uku kumiswe, vachiti vanopa mhosva yose iyi kuhurumende yeSouth Africa, iyo vanoti haisi kumisa chikwata cheOperation Dudula.

Hurukuro naMufundisi Richard Moyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG