Accessibility links

Breaking News

VaSikhala neVamwe veCCC Vosvitsa Mazuva Makumi Masere neMasere (78) Vari Mujeri kuChikurubi


Mutongi wedare remejastiriti muHarare VaStanford Mambanje nezuro vakaramba kutambira chikumbiro chemumiririri weZengeza West mudare reparamende vari mutevedzeri wasachigaro webato reCitizens Coalition for Change VaJob Sikhala chekuti vabhadhare mari yechibatiso vagotongwa vachibva kumba.

VaSikhala nemumiriri weChitungwiza North mudare reparamende VaGodfrey Sitho vari kupomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga kuNyatsime, Chitungwiza mushure mekupondwa kwenhengo yebato reCCC Muzvare Moreblessing Ali.

VaMambanje vakati hapana humbowo wachinja hwauya nemagweta aVaSikhala hungape kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. Gweta raVaSikhala Muzvare Beatrice Mtetwa vakati VaSikhala havakanganise vafakazi vakaburitswa muhusungwa.

Asi muchuchusi VaLancelot Mutsoka vakati zvakakodzera kuti VaSikhala varambe vari muhusungwa vachiti nyaya iyi hainei nezvematongerwo enyika.

Asi mutauriri weCCC Muzvare Fadzayi Mahere vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana nekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuri kuitwa vaSikhala.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG