Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuferefeta Nyaya dzeKupambwa kweVanhu neVasori


Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waVaItai Dzamara, nemwana wavo
Amai Sheffra Dzamara, mudzimai waVaItai Dzamara, nemwana wavo

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rakururudzira hurumende kuti itore matanho ekuti chisungo cheUnited Nations chekuti vanhu vasapambwe chidzikwe kuve mutemo unoshandiswa munyika.

ZLHR yataura mashoko aya akanangana nezuva ranhasi rekucherechedzwa kwezuva rakatarwa neUN kuti vanhu vasapambwe voshaikwa kana United Day Against Forced Disappearances.


Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda vati sangano ravo harisi kufara kuti VaItai Dzamara nevamwe vanosanganisira vakatsakatika munguva yeGukurahundi uye nyuka yawana kuzvitonga avo vave nemakore akawanda vatsakatika havasati vawanikwa pasina matanho ari kutorwa nehurumende.

VaMafunda vakurudzira kuti Zimbabwe itore chisungo chakaitwa neUN ichi kuitira vanhu vasangopambwa zvisina tsarukano. Izvi zvatsigirwawo nemutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaObey Shava vati hurumende inofanira kuona kuti nyaya dzekupambwa kwevanhu munyika hadzirambe dzichiitika vachiti izvi zvinosvibisa zita renyika.

Vaimbove nhengo yeZanu PF, VaJim Kunaka, vati kunyange vaimbove muZanu PF pakatsatika VaDzamara nevamwe vavo zvinovarwadza kuti muZimbabwe yakasununguka vanhu vachiri kupambwa. Vakurudzirawo kuti mapurisa aite basa rawo nemhazvo mukutsvaga chokwadi chezvakaitika pana VaDzamara nevamwe vakapambwa vakashaikwa kuti mhuri dzevanhu ava dziwane zororo muhana dzadzo.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza musangano weUN wekomiti inoona nezvekupedzwa kwerusaruraganda wakaitirwa kuGeneva kuti vakaponda vanhu munguva yeGukurahundi havasi kuzosungwa vachiti vanhu ava vakaregererwa panguva yehutongi hwemushakabvu VaRobert Mugabe.

Nhasi hatina kukwanisa kubata VaZiyambi asi vakamboudza dare reparamende nguva yadarika kuti hurumende iri kushanda zvakasimba kuti itsvage kuti chii chakaitika kuna VaDzamara.

Zuva reUN International Day Against Forced Disappearances rinocherechedzwa pasi rese musi waNyanavhuvhu 30 gore regarega.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG