Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoti Zvirongwa Zvekudzikamisa Hupfumi Zviri Kubudirira, asi Dzimwe Nyanzvi dzHupfumi Dzichiti Pachiri Papfupi Kuti Michero Ioneke


Doctor John Mangudya
Doctor John Mangudya

Mukuru webhanga guru renyika reZimbabwe Reserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya vanoti vari kufadzwa nekubudirira kuri kuita zvirongwa zvavo zvekudzikamisa hupfumi hwenyika.

Bhanga guru rinoti kuburikidza nemitemo yakasimba yemafambisirwo emari yariri kudzika, kukwira kwehuwandu hwemapeni egoridhe ari kutengwa uye kubatwa mhandamatsimba kwemusika mutema nemitemo yaro, zvinhu zvashanduka munyaya dzehupfumi.

Mugwaro rayakaburitsa neMuvhuro, R-B-Z inoti komiti yayo inoona nezvemitemo inobata mafambisirwo emari, yeMonetary Policy Committee, iyo yakasangana neChishanu chadarika, yakaona zvakare kuti inflation yepamwedzi yakadzikira.

Inflation inonzi yakadzika kubva pazvikamu makumi maviri nezvishanu nezviga zvitanhatu kubva muzana, 25.6 percent, mumwedzi waChikunguru kuenda pazvikamu gumi nezviviri nezviga zvina kubva muzana, 12.4 percent, muna Nyamavhuvhu.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi dzinowirirana nezvakawanikwa nekomiti iyi here?

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanowirirana nemuono wekomiti yezvemafambisirwo emari iyi vachiti zvinhu zvagadzikana.

Asi Doctor Chitambara vanoti kunyange hazvo paine kugadzikana kwakonzerwa nemitemo yakadzikwa nebhanga guru renyika inosanganisira kutengeswa kwemapeni egoridhe izvo zvakaita kuti mari dzakawanda dzaitenderera mumisika yakasiyanasiyana dzitsvairwe, zvakakosha kuti pave nemitemo yakasimba inodzikwawo nehurumende inotsigira matanho eReserve Bank of Zimbabwe ose aya.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti havawirirane nemaonero ekomiti yeR-B-Z aya, vachiti zvavari kutsanangura zvinenge ngano yemubhuku, zvisiri izvo zviri kuitika muvanhu.

VaNgwenya vanoti vana veZimbabwe vari munyika havaneyi netsananguro dzese dziri kupiwa neR-B-Z idzi, asi chikuru chavanoda kuona chete kuti mari iri mumaoko avo yakwanisa kuvawanisa zvavanoda here kana vapinda muzvitoro.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere ine maonero ayowo anosiyana nebhanga guru reR-B-Z, vachiti havaoni zvirongwa izvi zvichienderera mberi nekudzikamisa hupfumi, zvikuru chirongwa chemapeni egoridhe, nekuti ari kutenegswa nemari yemunyika zvakanyanya.

Panyaya yekudzikira kwe inflation, VaNgwenya vanoti hapana chati chadzika sezvo mutengo wezvinhu zvinotengwa zvakanyanya nevarombo zvakaita seupfu nechingwa isina kushanduka.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinotiwo zvinonetsa kuona kana matanho ari kudzikwa nebhanga guru aya ari kushanda mativi ose, nekuti kunyange hazvo musika mutema wadzikamiswa, mutengo wedhora reku America pamusika weR-B-Z, uri kuramba uchikwira zvekuda kutobata mutengo uri pamusika mutema.

Pari nhasi dhora rekuAmerica rinonzi riri kutengwa nemadhora ari pakati pemazana matanhatu nemakumi mashanu emunyika kusvika pamadhora mazana manomwe enyika pamusika mutema zvichienderana nehuwandu hwemari iri kutengwa.

Kutanga neChipiri dhora rekuAmerica rave kutengwa nemadhora emunyika mazana mashanu nemakumi mana nemanomwe.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG