Accessibility links

Breaking News

Harare Agricultural Show Yatanga Pachiratidzwa Zvimwe Zvigadzirwa Zvitsva


Zviratidzwa zveHarare Agricultural Show zvatanga nhasi veZimbabwe Agricultural Society (ZAS) vari kutungamira hurongwa uhu vachiti pane varimi vakawanda pamwe nemakambani anodarika mazana mana vanosanganisira vemuZimbabwe nekunze kwenyika vari kuratidzira zvinhu zvavo gore rino.

Zviratidzwa izvi zvatanga nhasi uye mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa mu (ZAS) VaTawonga Miriyoni vati vanotarisira kuti vanhu vauye nehuwandu hwavo zvichitevera kurerutswa hwematanho ekudziviriraa kupararira kwedenda reCovid-19.

VaMiriyoni vati kunze kwevarimi nemakambani anotsigira mabasa ekurima munyika, makambani ezvicherwa achange achiratidzirawo pamwe nemapazi ehurumende, mabhangi, uye nezvikoro zvepamusoro.

Vati pachaitwa misangano yekusimudzira bhizimisi rekurima.

Vatiwo gore rino pane mimwe michina mitsva isati yamboshandiswa iri kuratidzwa kune veruzhinji pahurongwa hwegore rino.

Vamwe vari kuratidzira michina mitsva ndeve Scientific and Industrial Research Development Centre, SIRDC

VaCertified Gwada vanotsanangura mashandiro anoita michina yavo yekudyarisa zvirimwa zvakaita sezviyo nemhunga. Vati vakagadzira michina iyi nekuti ndizvo zvinodiwa nevarimi.

SIRDC iri kugadzirawo michina mitsva yekugaisa zvirimwa zvakaita sezviyo, nemhunga pamwe nemimwe inoshandiswa pakukokwa zvirimwa zvakaita sembambaira nembatatisi

Michina iyi yese inotarisirwa kunge yave kutengeswa mwaka unotevera.

Zvichakadai pachaitwawo musangano unosimudzira mabhisimisi pakati peZimbabwe neBotswana nemusi weChishanu.

Mumwe murimi weHwedza, VaPius Soko, vaudza Studio 7 kuti vanotarisa kuita zvakanaka pashowo yegore rino.

Murimi achakunda varimi vese zana vari kubva kumatunhu ese munyika achapihwa mubairo wechibhorani nePump yeSolar pamwe netangi remvura rine mamarita zviuru mazana mashanu.

Showo iyi ichavhurwa zviri pamutemo nemusi weChishanu uye VaMiriyoni vati vachazivisa munyariknia achavhura showo zviri pamutemo nekufamba kwenguva.

Dzimwe nyika dziri pahurongwa hwegore rino dzinosanganisira Botswana, South Africa, Malawi, neIndia.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG