Accessibility links

Breaking News

"UN Ngaiuye Kuzotungamira Sarudzo Tisati Tapera Rumwe Rumwe"- VaChamisa


Mnangagwa & Chamisa
Mnangagwa & Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti vave kuenda kuUnited Nations kuti ibatsire mukuita sarudzo dzemuZimbabwe nekuti parizvino nyika yave nzvimbo iri kuparwa mhosva.

Pamutemo weUnited Nations kuti sangano iri ripindire musarudzo panofanira kutangwa patenderanwa kugungano reUnited Nation’s General Assembly kana kuti kuSecurity Council.

VaChamisa vanoti munyika maberekera ingwe uye sarudzo dzegore rinouya dzinonetsa kutambirika zvinhu zvikaramba zvakamira sezvazvakaita.

Vati vatsigiri vavo vari kuitwa kafiramberi ukuwo sarudzo dzichibirirwa madzishe nemasabhuku achishandiswa kutyisidzira vanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vachipindura, munyori munyaya dzezvemutemo mubato reZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vati Zimbabwe haingaitirwe sarudzo neUnited Nations nekuti haina hondo. Vati kana vanopikisa vaine zvichemo vanofanira kuenda kumatare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG