Accessibility links

Breaking News

Vashandi VeKanzuru yeChitungwiza Voronga Kuramwa Mabasa.


Ephraim Katsina

Masangano matatu anomirira vashandi vekanzuru yeChitungwiza anoti kana hurumende ikasagadzirisa zvichemo zvavo, zvinosanganisa mamiriro akaita nzvimbo dzavanoshandira, vacharamwa mabasa kutanga mwedzi unouya, musi wa 11 Gunyana.

Mugwaro ravakanyorera hofisi yehurumende inoona nezvevashandi anoti haana zvikwanisiro zvekut vaite basa ravo zvakafana na nezvekupfeka.

Tsamba yenyunyuto yakanyorwa navanasachigaro vemasangano mana anoti Chitungwiza Municipal Workers’ Union, Zimbabwe Urban and Rural District Councils Workers Union uye Zimbabwe Urban Councils Workers Union.

Mutungamiri wesangano revashandi, reChitungwiza Municipal Workers Union, VaEphraim Katsina, vanoti vashandi nemasangano ayaovaneta nekuendesa zvichemo kumushandirwi pasina chinobuda naizvozvo varikupa kanzuru masvondo maviri kubva svondo rapera vachiti kana zvichemo zvavo zvisina kugadziriswa, vashandi vacharamwa mabasa kutanga musi wa 11 Gunyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata meya weChitungwiza VaLovemore Maiko kuti tinzwe divi ravo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG